Uncategorized

Cde Tongo naCde jz vakabata basa guru

07 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi
ZIMBABWE neMuvhuro svondo rinouya (Nyamavhuvhu 11) ichapemberera zuva rekurangarira magamba, ayo akazvipira upenyu hwavo mukusunungura nyika kubva muhutongi hwehudzvanyiriri hwemabhunu. Dzimwe dzemhare dzemagamba aya ndiGeneral Josiah Magama Tongogara “Cde Tongo” naCde Jason Ziyaphapha Moyo “JZ”.

Cde Tongogara, avo vaive Commander wevarwi vehondo yerusununguko, veZANLA Forces, vakashaya musi wa26 Zvita, 1979 kuMozambique mutsaona yemotokari uye vakazovigwa muZimbabwe musi waNyamavhuvhu 11, 1981.

Vakatanga kupinda munyaya dzematongerwo enyika mubato reZANU kuLusaka, Zambia mugore ra1963. Cde Tongo vakadzidziswa zvematongerwo enyika kuNanking Academy of Peking uye vakashanda nechikamu chevechidiki cheZANU vasati vaenda China kunodzidziswa zvakawanda maringe nemafambisirwo ehondo.

Kubva muna1963, vakashanda nesimba mukutsigira hondo yerusununguko rweZimbabwe uye pavakadzoka kubva kuChina vakatanga kudzidzisa varwi kuTanzania.

Vakashandawo pakuti varwi veZANLA vabatane neveFRELIMO vekuMozambique mukurwisa hutongi hwemaPortuguese munyika iyi. Huchenjeri pamwe nehushingi hwavo hwakavaona vachigadzwa kuve Commander weZANLA pamwe nasachigaro weHigh Command mugore ra1972. Muna 1974, vakave Chief of Defence mu”DARE”.

Apo bato rakavandudzwa muna1977, Cde Tongogara vakasarudzwa kuve Secretary for Defence muCentral Committee, chinova chigaro chavakaramba vanacho kusvikira pavakashaya.

Hwaive hutungamiriri hwavo pamwe nenzira dzavakashandisa kuti hondo ipararire kumativi mana enyika zvikaita kuti mabhunu abvume kutaurirana nevarwi kuLancaster House Conference.

Vakaita basa guru zvakare munhaurirano dzekupedza hondo pakati pemauto eRhodesia nevarwi veZANLA/ZIPRA.
Cde Moyo, avo vaive Second Vice-President weZAPU, vakashaya kuZambia musi waNdira 22, 1997 zvichitevera kuputikirwa kwavakaitwa nebhomba iro rakange rakaputirwa nemutowo wekunge tsamba (parcel bomb). Mapfupa avo akavigwa kechipiri muZimbabwe musi waNyamavhuvhu 11, 1981.

Cde Moyo vakadzidzira kuve muvaki pamwe nacarpenter vakazopinda mune zvekurwira kodzero dzevashandi kuBulawayo mumakore ekuma1950. Vakave nhengo yechikamu cheBulawayo branch Southern Rhodesian African Congress (ANC), apo vakazove sachigaro wacho. Kupinda kwavakaita mune zvematongerwo enyika kwakaita kuti vasungwe muna1959.

Cde Moyo vakazove nezvigaro zvepamusoro mumapato anoti ANC, NDP, ZAPU nePCC uye mapato aya paakarambidzwa kushanda nemabhunu, vakabva vaenda kuLusaka senhengo yeZAPU uko vakatanga kuronga kuvambwa kwehondo yerusununguko.

Muna 1976, vakave second vice-president weZAPU. Mumwe wevakavamba ZIPRA apo vaive kunze kwenyika pamwe nekutsvaga rubatsiro rwehondo yerusununguko pasi rose.

Vakashanda nesimba zvakare kuti varwi veZANLA neZIPRA vabatane mukurwisa hutongi hwemabhunu.

Share This:

Sponsored Links