Chabvondoka kuTanganda Half Marathon

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Chabvondoka kuTanganda Half Marathon

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHANGWITI dzemujaho wekumhanya dzemuno nekunze kwenyika dziri kutarisirwa kukwikwidza mumakwishu eTanganda Half Marathon kwaMutare nemusi wa25 Chikumi.

Mujaho uyu – uyo unorongwa nekambani yeTanganda Tea Company – uchaona shasha dzekumhanya dzichikwikwidza makiromita anosvika 21.

Nhengo yekomiti yeTanganda Tea Company, Tsitsi Kumadiro, anoti gore rino mujaho uyu wadzoka zvine mutsindo.

“Tanganda Half Marathon wagara uri mumwe wemijaho mikuru inozivikanwa muno uye gore rino shasha dzemujaho uyu dzakawanda dzakanyoresa kuti dziri kuuya kuzokwikwidza,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Gore rino, tiri kutarisira kuona musiyano kudarika rapfuura.

“Chinangwa chedu kuti mujaho ukure tisvike padanho rekukoka dzimwe shasha dzemarathon kubva kunyika dziri kuEurope, Asia uye nekuAmerica. Hapana chinotikundisa kuzviita sezvo isu zita redu rekuti Tanganda iguru.”

Anoti gore rino vari kutarisira kuona kuti shasha yemarathon – Kelvin Pangiso – achakwanisa kurwira kuchengetedza mukombe wake here we21 km uyo waave nemakore maviri achihwina.

Pangiso wechikwata cheZimbabwe Prisons and Correctional Services akakwanisa kuhwina zvakare gore rino anobva anyora nhoroondo yekuve mutambi wekutanga kuhwapura mukombe uyu mumakore matatu akatevedzana.

“Pangiso makore maviri adarika ndiye ange achihwina kurakidza kuti ishasha saka munhu wese anoda kumuona kuti gore rino anozvikwanisa zvakare here,” anodaro Kumadiro.

Mumujaho wemadzimai, Patience Murove – uyo akahwina gore radarika – ari kutarisirwa kuzokwikwidza zvakare. Mimwe mijaho ichakwikwidzwa inosanganisira yewiricheya uyo wave nemakore mashanu uchihwiniwa naElford Moyo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>