Champions League handi dambe: Mubaiwa

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Champions League handi dambe: Mubaiwa KENNY MUBAIWA

Kwayedza

Abel Ndooka —
VATSIGIRI venhabvu vachiri kushushikana zvikuru kuti chii chaizvo chakatadzisa chikwata cheCAPS UNITED kufambira mberi mumutambo weCAF Champions League zvichitevera kukundwa kwachakaitwa svondo rapera neUMS Alger 4-1.

Kukundwa kwakaitwa Makekekepe zvakabva zvareva kuti mumakore mapfumbamwe adarika hapasati pamboita chikwata chemuno chakwanisa kufambira mberi mumutambo uyu izvo zvakapedzisira kuitwa neDynamos iyo yakasvika mufainari nekusemi-fainari.

Munhorondo yenhabvu yemuno, Dynamos FC ndiyo yega yakakwanisa kubuda muboka rayo kusvika kufainari muna 1998 apo yairairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa.

DeMbare yakazosvika kusemi-fainari zvakare yemutambo uyu mugore ra2008 apo David ‘Yogi’ Mandigora aive murairidzi wayo.

Mutungamiri weDynamos FC, Kenias Mubaiwa, anoti mitambo yeCAF Champions League haisi yedambe inotoda kugadzirirwa zvakasimba, hunge chikwata chichida kubudirira.

Mubaiwa anoti Dynamos yakasvika kufainari pamwe nesemi-fainari yemutambo uyu nekuti yaitamba nhabvu yemhando yepamusoro.

“Isu tinoti kana tasvika kumitambo iyi tinoikoshesa zvakasimba uye tinotoshanda nesimba kuti tigobudirira tisvike kure.

“Nhabvu yatinototamba ndeyepamusoro uye yakasiyana neinotambwa nezvikwata zvizhinji ndosaka tichisvika kure mumutambo uyu. Pasina Dynamos hapana bhora,” anodaro Mubaiwa.

Anoenderera mberi achiti seDynamos vanombozamawo kuraira zvimwe zvikwata zvinobva muno zvichinokwikwidza mumutambo uyu kuti zvibudirire asi zvimwe zvinoramba kupihwa mazano zvichifunga kuti vanoda kuzvikundisa.

“Tinotomboedza kukurudzira zvimwe zvikwata zvinenge zvave kunokwikwidza mumutambo uyu asi zvimwe hazvidi kubatsirwa. Vanenge vachifunga kuti zvimwe tiri kuda kuvakundisa asi handizvo zvatinenge takaronga sezvo tichida kuona nhabvu yemuno ichisimukira,” anodaro Mubaiwa.

Zvakadai, murairidzi weCAPS UNITED, Lloyd Chitembwe anoti vakarwa semvumba mumutambo uyu zvisinei nekuti vakazoburitswa havo.

“Maonera angu, takatamba kusvika pataikwanisa takatarisa kuti isu tichiri vadiki mumutambo uyu. Ndinoona kunge takarwa nepataigona mumutambo uyu.

“Zvaisava nyore kutamba neTP Mazembe pamwe neZamalek uye USM Alger. Ndinofunga kuti takarwa nepataikwanisa uye mune ramangwana matambiro aya achatibatsira kuenda mberi,” anodaro.

Zvimwe zvikwata zvakambokwikwidza mumutambo weCAF Champions League muno zvinosanganisira Highlanders FC, Monomotapa FC, Amazulu, Gunners FC neChicken Inn.

Highlanders chimwe chezvikwata chakwikwidza kakawanda mumutambo uyu makore mashanu anoti 2000, 2001, 2002, 2003 ne2007 asi pese apa haina kumbobvira yasvika kumagroup stages.

Amazulu yakambokwikwidza mumutambo uyu mugore ra2004 asi yakakundwa muround rekutanga nePetro Atletico yekuAngola.

Mugore ra2009, Monomotapa yakapinda mumutambo uyu ikarwa kusvika kumagroup stages muboka raive nezvikwata zvaiti TP Mazembe yekuDRC, Heartland (Nigeria) neEtoile du Sahel (Tunisia).

Monomotapa yakapedza iri pasi muboka rayo sezvo yakangokwanisa kuhwina mitambo miviri chete ndokurikitwa mina.

Mugore ra2010, Gunners FC pamwe chete neDynamos ndizvo zvikwata zvaimirira Zimbabwe mumutambo weCAF Champions League.

Dynamos yakabudirira kuenda kumagroup stages asi Gunners FC yakakundirwa kumaqualifier neAl Ahly yekuEygpt.

Gore raitevera, Motor Action FC yakapinda mumutambo uyu ichirairidzwa naJoey Antipas asi haina kwayakasvika sezvo yakaburitswa muround rekutanga neAsec Mimosa yekuIvory Coast.

Muna 2016, yaimbove shasha yePSL Chicken Inn yakapindawo mumutambo uyu kekutanga ichirairidzwa naAntipas asi yakakundirwa kupreliminary round neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa iyo yakazohwinha mukombe wemutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey