Chando: Gara wagadzirira

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Chando: Gara wagadzirira

Kwayedza

TAVE kupinda mumwaka wechando, inove nguva iyo veruzhinji vanokurudzirwa kutora matanho ekuzvidzivirira kubva kumatambudziko akasiyana anokonzerwa nekutonhorwa, sekubatwa nezvirwere zvinosanganisira chedziwa (flu).

Kunze kwedziwa, zvimwe zvirwere zvinowanzobata vanhu vakawanda mumwaka wechando zvinosanganisirawo kutemwa nemusoro zvakanyanyisa pamwe nechikosoro, icho chinogona kutapuriranwa zviri nyore.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti zvakare panguva iyi vamwe vanhu vanogona kusangana nedambudziko rechirwere chemwoyo nekuda kwekuti tsinga dzinofambisa ropa dzinotetepa nekuda kwekutonhorwa zvinoreva kuti ropa rinenge risingafambe zvakanaka mumuviri.

Pamusoro pezvo, nguva yekutonhora ndiyo inobatwa vanhu vakawanda nekabayo, vamwe vachitorasikirwa neupenyu.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze riri kugara richipa yambiro nechenjedzo nguva nenguva kune veruzhinji pamusoro pekuti vatore matanho ekuzvidzivirira kuti vasatonhorwe zvakadarikidza munguva yekutonhora yotopinda. Saka zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese chenjedzo iyi kuitira kuchengetedza utano hwavo.

Ino ndiyo nguva yekugadzirira nekuona kuti mhuri ine mbatya, shangu pamwe nemagumbeze anokwanirana kuitira mwaka wechando uyo watotanga. Kune vamwe vanoda kuzomhanya-mhanya nguva yapera vave kutsvaga zvakaita semagumbeze kana mbatya dzinodziya dzevana sedzechikoro apo zvinenge zvakwira mitemo.

Inga vakuru vakati shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo.

Hazvina kunaka kuti munhu azoshungurudzwa nezvirwere zvemuchando asi zvichikwanisika kudzivirirwa.

Uyewo vanenge vabatwa nezvirwere izvi vanofanira kurapwa nguva ichiripo kuitira kuti vasatapurire vamwe.

Vabereki vanofanirwa kuona kuti vana vavo vane mbatya dzinovadzivirira kuchando pavanenge vari pamba kana kuti kuchikoro.

Izvi zvakakosha nekuti kana mwana akadzidza achitonhorwa, zvinokanganisa fundo yake. Hongu, kune vamwe vabereki vanoshaya, asiwo vanofanira kuve neshungu kuti vana vavo vadzidze vakasununguka.

Zvinorwadza kuona mwana achienda kuchikoro asina kana juzi neshangu apo anenge achidedera nechando. Asi mubereki wacho unomuona achiwana mari yekunwa doro nevamwe.

Kunze kwezvirwere zvinokonzerwa nechando, mwaka uyu unoitika dzimwe njodzi idzo veruzhinji vanofanirwa kutora matanho ekudzivirira.

Imwe yenjodzi huru inoitika munguva ino kushandiswa kwembaura, zvikuru dzemarasha apo vanhu vanenge vachida kudziirwa.

Mbaura dzinoda kungwarirwa zvikuru nekuti kana vanhu vakadziya moto wemarasha uyu vari mumba uye mahwindo nemagonhi zvakavharwa, pane njodzi yekuti vanoshaya mweya wekufema zvichizoita kuti varasikirwe neupenyu. Gore rega-rega munyika muno mune vanhu vanofa nekuda kwekudziya moto wembaura zvinove zvinhu zvinorwadza zvikuru sezvo ndufu dzakadai dzichikwanisa kudzivirirwa.

Zvakakosha kutora matanho ekuzvidzivirira kubva kuchando asi panguva imwe chete matanho aya ngaasave nenjodzi kuupenyu hwevanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey