Uncategorized

Chausiri kunzwisisa chii ipapa?

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —

NDAIVE parufu rwemurume wechidiki akafa mushure mekudhumwa nemota akadhakwa. Parufu rwake ndakanga ndakagara neshamwari dzake dzaainwa nadzo. Dzakandiudza kuti dambudziko raive nemufi raive rekukurirwa nedoro. Vakati aiti kana adhakwa, kudzokera kumba kwaimunetsa zvekuti aigona kudonha munzira kashanu kana kanomwe, pamwe pacho achitomborara atadza kufamba.

Ichokwadi, kudhakwa zvekuti unosara wati rabada senyoka yarohwa nemusha wese kunoitika. Asi kana vanhu vachiti munhu anokurirwa nedoro, ko aripo here akamborinwa akarikunda?

Doro harikundike nekuti kana rapinda mauri rinoburitsa munhu kunze kunge roja risina kubhadhara rendi, iro rogara mukati richizviita landlord.

Pane zvinhu zvisingabhadhare. Kudhakwa hakubhadhare zvakare hakuna kuchipa. Chinorwadza ndechekuti zvatinoita kana takadhakwa zvakafanana nezvinoitwa nemhepo kupepa rakapera maputi rikarasirwa parutivi penzira. Doro rinotuta, rinopeperetsa nekuzeeretsa vanhu.

Handina kuwirirana nevarume vechidiki vaive parufu mushure mekunge ndavaudza kuti kudhakwa chinotori chinhu chisingadiwe naMwari. Vakabva vanditi, “Zvakanyorwa papi muBhaibheri izvozvo?”

Ndakavavhurira Bhaibheri remufoni mangu kuna 1 Vakorinde 6 v 9 kwakanyorwa kuchinzi: “Ko hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka yehumambo hwaMwari? Musanyengerwa, nekuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanodanana nevamwe varume, kana mbavha, kana vane madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka yehumambo hwaMwari.”

Mazuva ese tine zvinhu zvinotitonga.

Vamwe vedu tinotongwa nerunako rwemiviri yedu, vamwe tinotongwa nekuda kufadza vamwe vanhu, kana kutongwa nekutya, ruvengo kana kurambwa kwatakaitwa.

Unogona kutongwa nehasha kana newivhi nenzara dzekunamira. Asi kutongwa nembanje, musombodhiya kana zvimwe zvinhu zvinodhaka kuzvipinza mumadhaka senguruve.

Nyangwe zvazvo varume vandakaudza kuti kudhakwa hakudiwe naMwari vakanyatsonzwa zvandakaverenga, vakatanga kutsvaga nzira dzekuti kudhakwa kuve chinhu chakanaka. Mumwe akabva ati: “Zvimwe zvese ndingaregere, asi doro handisiye.”

Ukaona woita zvekupika kudaro kuti hausiye “chinhu” chinokukurira sedoro, ziva kuti uri muranda chaiye. Wakafanana nebere remuroyi rinotasvwa nemunhu angadai achitoritiza.

Kudhakwa harusi rusununguko, asi ijeri. Rusununguko ndipo paye paunosarudza chinokutonga. Kana ukasarudza Jesu Kristu kuti atonge muhupenyu hwako, kana wave kuzotongwa muhupenyu, newewo unenge wave kukwanisa kutonga zvinhu zvese.

Kana Mwari vasiri kutonga muhupenyu hwako, zvinoreva kuti pane chimwe chinhu chinotonga mauri.

Ichocho chinotonga mauri chine simba rekukusungirira tambo muhuro chokuendesa kwachinoda, kwete kwaunoda iwe.

Kana Jesu achitonga muhupenyu hwako, anokufambisa zvisina doro, zvekuti hausvike kumba uine mbonje dzekudonha, kana kusvika pakurohwa nemota ukatofa nekuti doro rakakutadzisa kufamba kana kuyambuka mugwagwa.

Hupenyu hausi mukutambudzika kuti dai ndapedza basa ndikaenda kubhawa kunonwa doro. Doro rinoba nguva yako yekuverengera vana vako bhuku nekuvabvunza zvavadzidza kuchikoro.

Kana wakadhakwa, nevana vanozvionawo kuti baba vedu vakadhakwa. Unochipa. Kana wakadhakwa unofunga kuti wave Mwari. Asi Mwari vanenge vachitorwadziwa nekutambisa kwako hupenyu.

Haugone kugadzirisa nyaya iyi uri wega. Kumbira Mwari kuti vakubatsire.

Hauna kubuda mudumbu ramai vako uchidzedzereka. Taurira mumwe munhu asiri chidhakwa zvinhu zvaunoona kuti zvinoda kushandurwa muhupenyu hwako.

Ipa Jesu mukana wekuti akupe hupenyu husina bhabharasi. Nyangwe ukafa, Jesu anorwadziwa, haambofara achiti, zvandibva kumeso kufa kwemukuwasha benzi.

Wakakosha kudarika doro.

Share This:

Sponsored Links