Uncategorized

CHECHI IRI MUBAKO . . . ‘Mvura yemukasipiti inorapa’ . . . ‘Izvi ndakaita zvekutorotswa’ . . . ‘Hari dzaive muno takapunza’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
CHECHI IRI MUBAKO . . . ‘Mvura yemukasipiti inorapa’ . . . ‘Izvi ndakaita zvekutorotswa’ . . . ‘Hari dzaive muno takapunza’

Kwayedza

KAZHINJI munhu akanzwa vanhu vachitaura pamusoro pechechi, anongofunga chivakwa kana kuti masowe. Asi kuUnit A, kuChitungwiza, kune chechi ine musiyano, iyo vanhu vanonamata vari muzibako riri pamazitombo rakavakirirwa kuita chechi nemahofisi acho.

The Power of The Holy Spirit Ministries International (POTHS) kana kuti Deliverance Centre ichechi iri mubako riri muchimwe chikomo chekuChitungwiza icho chinonzi chaimboitirwa mabasa echivanhu akaita sekupira midzimu kare-kare.

Mavakirwo echechi iyi anogona kukwezva vashanyi sezvo yakavakwa pamupata wegomo nemukati memapako umo munoratidza kuti maigarwa nevanhu pasichigare. Mumapako umu mune zvinyorwa zvema”Bushman” zvinonzi zvainyorwa mumatombo neropa remhuka dzavaiuraya pasichigare.

Apostle Farai Rukweza (33), avo vanova muvambi wechechi iyi, vanoti vakaita zvekurotswa apo vaigara kuBulawayo kuti vanofanirwa kuzoshandisa zvikomo izvi pakunamata.

“Chiedza chekuti ndizonamatira pano chakauya ndiri kuBulawayo apo ndakaita zvekurota ndichiratidzwa chikomo chino ndisati ndambouya kuno kuHarare uye ndisati ndava kunamata. Ndakazotendeuka mugore ra2008 ndokutevedza zvandakaratidzwa,” vanodaro.

Mumapako aya mune mahofisi makuru matatu anonzi ndeemafundisi uyewo pane rimwe bako guru rinoyerera mvura inoshandiswa mukunamatira vanhu vane matambudziko akasiyana.

Vanhu vanopindamo vanonzi vanotora ivhu remo voenda naro, kuridya kana kunwa mvura yacho mukutsvaga makomborero.

Pamupata wegomo iri pakaiswa mapango nedenga retende uyewo mune zvigaro zvakagadzirwa nesimende zvakatevedza gomo iri kukwira mudenga.

“Ndakauya pano ndataura nekanzuru yeChitungwiza nevakuru vemuno maSeke vakandibvumidza kunamatira pano. Tichisvika pano, mumapako umu maiva nechuma nemakano zvaisanganisirawo mapfumo netsvimbo nemazenga ehari. Izvi zvinoreva kuti maiitirwa chivanhu.

“Patakatanga kunamatira pano, vanhu vaibatwa nemweya yevanhu vakafira muno, mweya ichitaura kuti, ‘Munodei pano pamusha pedu? Ibvai hamumbofa makanamatira pano’.

“Vamwe vaipunzika tichivanamatira asi zvose zvakapera, tave kunamata zvakanaka uye hapasisina matambudziko. Zvakare, tinodada zvikuru nekunamatira panzvimbo yakasiyana nemamwe makereke ose. Munhu asingazive anofunga kuti chikomo zvacho chakazvimirira,” vanodaro Apostle Rukweza.

“Panguva iyoyo yatakatanga kunamatira pano taiunza majenareta matsva achitsva ipapo tichingobatidza uye akatsva anodarika mashanu asingagadzirike. Azere kumba izvozvi, zvaiitwa nemweya yakaipa,” vanodaro.

Kune vamwe vanamati vechipositori, vanodaro Apostle Rukweza, vanopotawo vachikumbira kuzoita miteuro yavo muchechi yavo iri mubako iyi uye vanovabvumidza.

“Hatina watinorambidza kuuya kuzonamatira panzvimbo yedu asi tinoda kuti vauye tiripo. Tine mvura inoporesa inoyerera mukasipiti kedu kanofamba nemumapako yatinoshevedza kuti de’liverance water’. Ivhu riri mukati memapako edu rinoporesa zvakare, munhu anogona kuritora onorishandisa pakugeza nemvura kana kugara riri muhomwe.

“Iyo mvura yacho vanhu vanogona kunwa kana kunosanganisa neimwe yekugeza,” vanodaro Apostle Rukweza.

Kunze kwaizvozvo, vanoti chechi yavo inoshandisawo mafuta e’anointing oil’ nekunamatira vanhu vachipona vachishandisa nhare.

“Tinonamatira vanhu parunhare vari kwavari ini ndiri kure. Vanhu vanobatwa nemadhimoni ndichivanamatira vachipora. Kunyange vari kuUK chaiko kana kure kwakadii, vanopona.”

Vamwe vanamati vechechi iyi vanoti Enock Chiendambuya naDebra Tigere vanotsinhira kuti vanhu vane matambudziko nezvirwere zvakasiyana vanobatsirwa pachechi yavo iri mubako iyi.

“Vanhu vanoporeswa pano, tinoita chechi yedu misi inosanganisira Chipiri, Chitatu neSvondo apo simba raMwari rinobata,” anodaro Chiendambuya.

Apostle Rukweza vanoti panzvimbo iyi panogona kunge paine makuva zvichitevera zviratidzo zvemamwe mapako avasati vapinda.

“Hazvirambike kuti pano pane makuva nekuti panoratidza kuti paimbogara vanhu kare,” vanodaro Apostle Rukweza.

“Kasipiti katinoshandisa mvura inorapa vanhu kaimbobuda mvura koga asi iye zvino tave kuwedzera neyatinochera mumugodhi tichiisa imomo. Tine fish pond ine hove dzinobatsira zvakare ruzhinji kana mweya uchinge wataura kuti varwere vapihwe,” vanodaro Apostle Rukweza.

Muvhangeri wechechi iyi, VaWinter Fungai (28), vanoti pachechi pavo panoitwa zvishamiso.

“Pakunamata kwedu hatisiye Mai Marvelous Rukweza (28) mudzimai waApostle Rukweza,” vanodaro Muvhangeri Fungai.

Sangano iri rinoshandisa dingindira remashoko anoti, “The Last Bus Stop” kureva kuti ndipo panoperera matambudziko emunhu kana asvikapo.

Share This:

Sponsored Links