chembere (61) yoita grade 6

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
chembere (61) yoita grade 6

Kwayedza

…  ‘Ndinoda kuenda kubhodhingi’

… ‘Ndozoshanda basa segweta’

Kingstone Mapupu —
CHIREVO chinoti dzidzo haina zera chiri kuzadziswa neimwe chembere yekwaChivero ine makore 61 okuberekwa iyo yange ichiita Grade 6 gore rino pachimwe chikoro cheko.

Mbuya Shylet Chikwezvero – avo vanova sabhuku wemusha waChikwezvero kunzvimbo yakagariswa vanhu patsva kupurazi rekwaSpencer – gore rinotevera vachange vave kuita Grade 7 paAmbuya Mafuyana Primary School.

Kuratidza kuti kudzidza kwakakosha, kune mumwe mudzimai wechikuru, Mai Letty Mhora (53) vekuMhangura, avo gore rino vange vachiita Grade 1 paMhangura Primary kudunhu rimwe chete reMashonaland West.

Mbuya Chikwezvero vanoti vakasundwa kuenda kuchikoro nenyaya yekusagona kunyora nekuverenga sezvo vaitsvaga vanhu vanovaverengera nekuvanyorera magwaro kana vachiita basa remumusha.

“Ndiri kuenda kuchikoro, ndanga ndichiita Grade 5 ne6. Gore rinouya ndava kuenda muGrade 7 ndobva ndazoenda Form 1.

“Ndinoda kuenderera mberi kusvika Form 6 ndozoendawo kuyunivhesiti. Chokwadi dzidzo haina zera, izvozvi ndava kunyora ndoga zvinhu zvemumusha mangu nekugona kuverenga,” vanodaro.

Mbuya Chikwezvero vanoti vanosekwa nekutukwa nevamwe vanhu vakuru nevana vechikoro pamusoro penyaya yavo yekuenda kuchikoro vakura asi hazvimbofa zvakavadzosera kumashure.

“Ndine vana 4, vose vakapedza maForm 4, vamwe vakapasa asi vamwe vakakundikana. Ndine vazukuru 9 pamwe chete uye ndinotenda mukana wandakapihwa wekudzidza ndakura.

“Ndakatanga nekuita Grade 1 ne2 ndokuzoita Grade 3 ne4. Gore rino ndanga ndichiita Grade 5 ne6. Handina kuita zvakanaka pazvidzidzo zvangu nekuti ndine dambudziko remaziso, handione zvakanaka.”

Mbuya Chikwezvero ndivo headgirl pachikoro chine vana 312 ichi uye vanoshamwaridzana nevana vadiki vavanodzidza navo.

“Ndinoda kuti ivo chaivo minister (gurukota) ve- zvedzidzo kana vachikwanisa vanditsvagire mari yekuenda kana kubhodhingi chaiko. Mari yechikoro handina, ndine chikwereti chefizi che$20 sezvo tichibhadhara $10. Handinawo mabhuku anodiwa,” vanodaro Mbuya Chikwezvero.

Vanoti Mwari akavachengeta vanotarisira kuzotanga kuita dhigirii ravo mugore ra2027 uye vanoshuvira kuita gweta sezvo vachiti vanhu vakawanda vanoona vachidzvinyirirwa kodzero dzavo nekuda kwekushaya ruzivo.

Mbuya Chikwezvero vanokurudzira vamwe vechikuru kuti vasanyare kuenda kuchikoro nekuti vakura. Vanotenda mukuru wechikoro chavanodzidza nevarairidzi vepo nekuvapa mukana wekufunda.

Mbuya Chikwezvero vakanyora mazamanishoni avo eGrade 6 ekupera kwegore rino ndokubuda seizvi: English 44%, Shona 71%, Maths 35%, General Paper 37% neAgriculture 31%.

Zvimwe zvakanyorwa nevarairidzi vezvidzidzo izvi pagwaro remudzidzi uyu zvinosanganisira, “Fair attempt” (wazama), “Zviri nani chose”, “Put more effort” (wedzera shungu), “Work hard” (shanda nesimba), “You need to improve” (unofanirwa kukunya), “You must practise reading and spellings so that you can answer Paper Two properly” (dzidzira kuverenga nezviperengo kuti ugokwanisa kupindura Paper Two nemazvo)

“Ndakafoira zvangu asi handidzokere kumashure, ndine dambudziko rekurwadziwa nemaziso zvekuti handichaona zvakanaka. Ndinoda rubatsiro rwevanonditengerawo magirazi emaziso uye ndinodawo bhasikoro rekuchovha kuenda nekudzoka kuchikoro sezvo ndichibva kure. Izvozvi gumbo rangu rinorwadza zvekuti ndinofamba netsvimbo,” vanodaro.

Vanoti vane dambudziko reBP izvo zvinoita kuti vagare vachinwa mapiritsi ayo anodawo mari yekuatenga.

Kune vanoda kubatsira ambuya ava vanoridza nhare pa0717 787 415 kana 0779 686 776.

Share This:

Sponsored Links