Uncategorized

Chembere kufira huku?

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Chembere kufira huku?

Kwayedza

CHEMBERE yekwaSikero, kwaMusana, inonzi yakasvika pakunwa muchetura ndokufa mushure mekunetsana nemuvakidzani pamusoro pehuku.Mbuya Betty Sandi (65) vanonzi vakafa nemusi weChipiri svondo radarika pamberi uye mapurisa anotsinhira nezverufu urwu.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti: “Nyaya yatinayo kuno ndeyemudzimai anonzi Betty Sandi wekuSikero Village, kwaShe Musana, uyo akashaya mushure mekunwa muchetura. Hama dzake dzinoti akange apererwa kana kuti ashaya tariro neupenyu mushure mekurwara kwenguva refu.

Vanhu vaive panhamo

Vanhu vaive panhamo

“Dzimwe nyaya dzekuti ainetsana nemuvakidzani wake nezvimwe hatina kuziviswa.”

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasashaye tariro neupenyu kunyangwe kana vasvika panguva yekuomerwa.

“Hatikurudziri kuti vanhu vasvike padanho rekutora upenyu hwavo nekuda kwekuti vanenge vagumirwa nemazano asi kuti vanotsvaga mazano kune vamwe munharaunda dzavanogara sekumachechi kana kumapurisa voyananiswa,” vanodaro.

Zvisinei, murume waMbuya Sandi, VaNaison Mutirimaisva Sandi (92), vanoti mudzimai wavo akatora danho iri mushure mekunge ashungurudzika nemashoko aitenderera munharunda yavo ekunzi akaba huku yemuvakidzani.

Sekuru Sandi vakaudza Kwayedza kuti: “Ndarwadziwa zvikuru. Hongu, aigara achitaura kuti upenyu hwake huri parumananzombe nepamusaka pemumwe muvakidzani wedu uyo ainetsana naye nenhau yehuku. Aiti haana chaachararamira panyika nekuda kwekuti aigara achinongedzwa kunzi imbavha. Ndiko kusaka akasarudza kuzorora zvake.”

Vanoti mudzimai wavo aigara achitaura kuti upenyu hwake huri mumawoko emumwe munhu.

“Aitonzwa munhu iyeye achimudaidza nezita achimutaurira zvekuita munzeve dzake. Kureva kuti pane hushereketwa hwakaitwa kumudzimai wangu.

Sabhuku Eliah Sikhala

Sabhuku Eliah Sikhala

“Taiti kunyangwe tikashanya kure, tainzwa achiti, ‘Ndiri kudaidzwa kuti ndidzoke kumba.’ Haaizombotora nguva kudzokera achitisiya sezvaakaita musi uno taenda kunhamo kuMarondera,” vanodaro Sekuru Sandi.

Vanoenderera mberi: “Zvechokwadi, shoko rakafamba muno randinoti ndere ‘madziro commitee’ rikasvika zvose neHarare uko rekuti imbavha, muroyi rinova rakavapa shungu dzekuti regai ndizorore. Zvino iwe ukati nhingi muroyi handiti muroyi anoroya husiku, saka iwe waivepi uye uchiitei kuti ugozonongedza munhu?”

Vanoti kushungurudzwa kwemudzimai wavo kwakatanga munaKubvumbi gore rino.

“Senge muzuva rakazoteverwa nemusi wavazofa, hatina kurara vachingomuka vachifamba-famba. Vairara maminitsi matatu voti mamwe mashanu vasvinura.

“Vaingoti upenyu hwavo hwave mumawoko evamwe vanhu uye vanhu ivavo ndivo vaitovaudza zvekuita. Pamusoro pazvo, munhu akange agara ari kurwara sezvo vaive nestroke,” vanodaro.

Pavakabvunzurudzwa neKwayedza pamusoro penyaya yekuti mudzimai wavo anonzi akaba huku, vakarambisisa mashoko aya.

“Mudzimai wangu haana kuwanikwa ari muchizumbu chehuku, kwete. Nyaya iripo ndeyekuti munharaunda medu mune jongwe rimwe chete rinova rakaita kuti huku dzedu nedzemuvakidzani dzibereke nhiyo dzakafanana. Saka nhiyo idzodzo dzakakura kuita huku huru nokudaro, sekufamba kunoita huku dzekumamisha, mudzimai wangu aingobata achiuraya achifunga kuti ndedzake nekuti dzakange dzakafanana.

“Muvakidzani wedu paakazoti ari kushaya huku yake imwe chete, mudzimai wangu akabva amuripira nehuku nomwe asi kusiri kumuramwira kwete, yaive nzira yekuti apedze mitauro uye akazviita mukufara.”

Vanotizve mushure mekuripirwa nehuku nomwe, muvakidzani uyu ndiye akazofamba ave kutaurira veruzhinji kuti, “Mbavha iya yazondiripira nehuku”.

“Izvi zvakandishamisa nekuti munhu akashaya huku yake imwe chete akaripirwa nehuku nomwe kwave kudzitambira achiti ndedzei?”

Vanoshora zvikuru nyaya dzemakuhwa vachiti akaita kuti mudzimai wavo asvike pakufa.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaEliah Sikhala (78), vanoti: “Ini nyaya dzose dzaiitika kusanganisira dzatanzwa nhasi, kuti vanhu vainetsana nenhau yekubirana huku dzakange dzisina kumbosvika kana munzeve dzangu. Saka zvakatondishamisawo kuti ndizvo zviri kuitika muno.

“Ndakatozonzwawo nemuzukuru wangu kuti kwaita rufu, kukadaidzwa mapurisa epaMusiiwa, asi mutumbi wainge watoiswa kumba kare. Ndaifunga kuti mapurisa ndiwo aifanira kutakura mutumbi kubva kugadheni kwavakafira, vachiita ongororo dzavo.”

VaPatrick Dongo (81), vanove muvakidzani waSekuru Sandi, vanoti ndivo vakakumbirwa ngoro yakatakura mutumbi waMbuya Sandi.

VaPatrick Dongo

VaPatrick Dongo

“Isu takangozonzwa kuti vashaya. Ndinovimba kuti vakanonoka kuwaniswa rubatsiro,” vanodaro.

Mufundisi wekereke yeChindotwe Methodist Church in Zimbabwe, iyo yaipindwa naMbuya Sandi, Bishop Guzha, vanoti mushakabvu aive mutendi ane rudo.

Zvakadaro, vamwewo ndivo vanoti mushure mekunge muvakidzani waMbuya Sandi ashaya huku dzake, akashevedza n’anga inova yakagadzira musha wake izvo zvakazoona mukadzi uyu ave nematambudziko.

Mashoko asina tsigiro izere anoti muvakidzani uyu anonziwo akaenda panhamo yaambuya ava asi akadzingwa nehama dzavo.Vatori venhau vakatadza kutaura nemuvakidzani anotaurwa uyu sezvo hama dzemufi dzakaramba kumudoma.

Share This:

Sponsored Links