Chengetedzai goho nemazvo

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Chengetedzai  goho nemazvo

Kwayedza

GORE rino Zimbabwe iri kutarisira kuve hurudza zvichitevera rutsigiro rwakapihwa kuvarimi neHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Pasi pechirongwa ichi, varimi vakabatsirwa nezvekushandisa zvinosanganisira mbeu, fetereza, mishonga yekufiritisa pamwe nemafuta ekurimisa.

Zvinofadza kuona nyika ino ichidzokera pachidanho chayo chakare chekuve hurudza mudunhu reSadc neAfrica yose.

Zvakadai, pane njodzi huru yekuti kana goho rakaita serechibage rikasachengetedzwa zvakanaka, nyika inogona kurasikirwa zvikuru.

Nekudaro zvakakosha kuti varimi pamwe nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB), vatore matanho akasimba ekuchengetedza goho.

Matura eGMB ange ave nemakore akawanda asingaiswe goho rakakura zvinoreva kuti panoda kushandwa nesimba kuti akwanise kutambira goho remwaka uno.

Goho rose – chingave chibage, manhanga, nyemba, nyimo, mbambaira, nzungu kana bhinzi – rinofanira kuchengetedzwa.

Hazvibatsire kuti murimi ashande kwemwaka wose ozoshaya hanya nekuchengetedza goho rake.

Vanamazvikokota vanoona nezvekuchengetedzwa kwegoho vanoti murimi anokwanisa kurasikirwa nechikamu chinosvika 30% kana kudarika chegoho rake kana rikasachengetedzwa zvakanaka.

Murimi anokwanisa kurasikirwa negoho kubvira richiri mumunda kuburikidza nenzira dzakasiyana sekunonoka kukohwa rotanga kupfukutwa kana kuti kuparadzwa nezvipfuyo pamwe nehumwe hudyi hwakasiyana.

Nekudaro zvakakosha kuti murimi akohwe zvirimwa zvake nenguva.

Zvakakoshawo kuti murimi aone kuti dura rake raanochengetera goho rakachena uye harina zvimwe zvirimwa zvemwaka wadarika nekuti izvi zvinoita kuti mukana wekupfukutwa unge uri mukuru.

Varimi vanogona zvakare kutanga vamwaya mishonga yekuuraya zvipfukuto mumatura avo vasati vaisa goho.

Asi zvakakosha kuti mishonga yezvipfukuto iyi itengwe kuzvitoro zvinozivikanwa zvakanyoreswa zviri pamutemo nekuti kune mimwe yemanyepo.

Varimi ngavasiyane netsika yekutenga mishonga yekuchengetedza goho pamisika yemikoto kunyangwe yakachipa zvakadini nekuti vanozochema goho ravo raparadzwa.

Goho rinokwanisa kuchengetedzwa mudura nenzira dzakasiyana idzo dzinosanganisira kumwaya mishonga kana kushandisa matura esimbi anozivikanwa nekuti maMetal Silos.

Matura esimbi aya anokurudzirwa zvikuru kuti varimi vange vachiashandisa nekuti anochengetedza goho kubva kuchipfukuto chine mukurumbira cheLarger Grain Borer (LGB).

Chipfukuto ichi chinozivikanwa nekudya zvinhu zvakawanda zvinosanganisira vhanicha uye chinodya zvimwe zvose kusara kwesimbi chete.

Zvakakoshawo kuti varimi vatsvage ruzivo kune madhumeni ari munharaunda dzavo pamusoro penzira kwadzo dzekuchengetedza goho.

Goho rinofanira kuchengetedzwa zvakanaka kuitira kuti munyika muve nezvekudya zvinokwanirana.

Share This:

Sponsored Links