‘Chengetedzai tsika, chivanhu’

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Chengetedzai tsika, chivanhu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHIREMBA wechivanhu ane mukurumbira muHarare, ari kukurudzira veruzhinji kuti vatevedze tsika dzechivanhu kuitira kuti nyika ino nedzimwe dzemuAfrica dzirambe dziine chiremera.

Kurudziro iyi yakaitwa naSekuru Kamwelo Banda apo vaishanyira matunhu akakomberedza Victoria Falls vachikurudzira veruzhinji kuti vachengetedze nekukoshesa tsika dzechivanhu kutanga kwesvondo rino.

“Ndakatumwa nevari pasi kuti ndifambe ndichidzoreredza tsika dzevatema kuenda paye pakare. Ndiri kufamba munyika muno nekunze ndichitaura nevatungamiri nevamwe vakasiyana kuti tisimudzire tsika dzedu dzirege kuparara. Tikaita izvozvo Africa inodzokera pachiremerera chayo chakare kwete kutevedza tsika dzevamwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Hazvina mhosva kuti uri muShona, muKalanga, muZulu, muChewa, muKorekore, muNambia kana muVenda, tsika dzedu idzodzo tinoda kuti dzirambe dziripo. Ndokusaka muchiona kuti vachena vemhiri vanoda kudzidza tsika dzedu, asi isu tichida kudzirasa.”

Vanoti vari kushanda pamwe chete nemadzimambo mukudzoreredza tsika dzechivanhu uye mukuona kuti nzvimbo dzinoyera dzaremekedzwa neveruzhinji.

Sekuru Banda vakarumbidza Mambo Mvuthu vekuVictoria Falls nekuchengetedza chivanhu mudunhu ravo.

“Kuno kuVictoria Falls kune marudzi akawanda anosanganisira Nambia, Tonga, Ndebele nevamwe. Chivanhu chichiri kutevedzwa zvikuru izvo zvandinotenda kuburikidza nemadzimambo ekuno,” vanodaro Sekuru Banda.

Vaiva vakamirira Mambo Mvuthu, VaJoel Mkwananzi, vanoti sezvo dunhu ravo richisvikwa nevashanyi vakawanda, vamwe vacho vachibva mhiri kwemakungwa, vari kushanda nevemahotera kuti vagari veko vawane chouviri kuburikidza nekuita mitambo yechinyakare yekuvaraidza vashanyi.

Sekuru Banda vakazopa mibairo yemikombe yekutenda kusimudzirwa kwetsika dzechivanhu kuna naVaMkwananzi uyewo mumwe mukombe ndokupihwa kuhotera yeThe Kingdom iyo yaive yakamirirwa naVaDerrick Kung, avo vanove mukuru wayo.

Hotera iyi imwe yenzvimbo dzekutandarira dzinogara dzichiitirwa mitambo yechivanhu kuVictoria Falls.

Share This:

Sponsored Links