Uncategorized

chi-town yakadira vanhu vayo suweji

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
chi-town yakadira vanhu vayo suweji

Kwayedza

— Ema ndokuiripisa $1 000 p ‘Kanzuru yatiitira hutsinye’

Muchaneta Chimuka —
MUSHA weUnit O Extension, kuChitungwiza, wakasara wava gutukutu kunhuwa nemusi weMugovera wadarika apo kanzuru yeko yakanovhozhorera kurasa tsvina yevanhu pakati pedzimba, vagari veko ndokungosara vakabata mhuno dzavo vachinhuwirwa.

Kusvika neChitatu chino, tsvina iyi yainge isati yabviswa payakasiya yadirwa nemota yekanzuru ine nhamba dzinoti ADB 4163, uye yava kungoyerera ichipinda mudzimba.

Tsvina yevanhu yakadirwa nekanzuru kuUnit O Extension, kuChitungwiza.

Tsvina yevanhu yakadirwa nekanzuru kuUnit O Extension, kuChitungwiza.

Yakave batai-batai mangwanani emusi weMugovera uyu apo mutyairi wekanzuru akapotsa aitwa kanyama-kanyama neveruzhinji mushure mekuonekwa achikuturira tsvina yevanhu iyo yaive mumotokari inotakura suweji panzvimbo iri mukati medzimba.

Pakarepo, vagari venzvimbo iyi vakafonera vesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), zvikaita kuti kanzuru yeChitungwiza iripiswe US$1 000.

Mutauriri weEMA, VaSteady Kangata, vanotsinhira nezvekuripiswa kwekanzuru pamusoro penyaya iyi.

VaKangata vanoshora kuita kwakadai vachiti: “Maitiro aya akaipa zvikuru. Ibasa rekanzuru kuti inge ichichenesa nharaunda apa iyo yava kuwanikwa ichiisa utano hwevagari vayo munyatwa, zvikuru munguva ino yekunaya kwemvura apo zvirwere zvakawanda.

“Makanzuru nemakambani ose anofanirwa kubatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda. Tinotenda vagari vekuChitungwiza nekuzivisa kwavakaita EMA pamusoro pekuparwa kwemhosva iyi nekukasika.”

Vanoti pakuita izvi, kanzuru yeChitungwiza yakatyora mutemo weEMA Act Chapter 20:27 (Unlawful discharging of waste or effluent without a license)

Kwayedza yakasvika kuUnit O Extension apo vagari veko raive zhowe-zhowe vachida kuita kanyama-kanyama mutyairi wekanzuru wavainge vabata achikuturira tsvina yevanhu iyi mudzimba.
1502-3-1-MARARA
“Tangoona motokari ichibva kumhiri kwaChitsvatsva uko, hanzi yange yakumbirwa kunodhirena tsvina museptic tank range razara. Vashandi vekanzuru ava vanenge vaita zvisiri zvebasa, ndokunoburitsa tsvina iyi vachibva vapihwa $80.

“Vazouya netsvina iya ndokuidira pazigomba riri pachuru panonamatira mapositori panova pakati pedzimba. Nekudaro vanhu vagumbuka nazvo ndokuvatorera makii emota vachimirira kuuya kweEMA,” vanodaro Mai Susan Jiri.

VaTambaoga Garawaziva, avo vanoshandira pedyo nepakadirwa tsvina iyi, vanoti zvivindi zvevashandi vekanzuru ava zvekuita huchapa hwakadai pakati pemusha ugere veruzhinji panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere chetyphoid, zvinoshamisa.

“Kanzuru yaita hutsinye chaihwo, kudira tsvina munzvimbo inogara vanhu. Izvozvi kwanaya saka suweji yave kuyerera ichipinda mumigodhi ine mvura inonwiwa nevanhu uye vana vari kutotambira mutsvina imomo. Munoti vangapona nezvirwere zvemanyoka izvi?” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirwa naMai Alice Marufu, avo vanotenda EMA nekukasika kwayakaita pakunosunga kanzuru yeChitungwiza, vashandi vayo vasati vabva panzvimbo yavakadira tsvina.

“Ndinotenda veEMA nebasa guru ravaita nekuti vakasika kuuya vakawana vapari vemhosva vari panzvimbo. Huchapa hwaitwa nekanzuru yedu hahuna kukodzera nekuti ndivo vacho vane basa rekuchengetedza nharaunda dzatigere dzakachena. Ndipo povowanikwa vachidira tsvina yevanhu mumusha?

“Izvi ndizvo zvinokonzera zvirwere zvetypoid nekuti vatoitakura kubva kune imwe nzvimbo vachizoidira muno,” vanodaro.

Mai Charity Mangwiro vanotiwo kanzuru yavo inofanira kuendesa tsvina iyi kunzvimbo yakakodzera pane kuidira munogara vanhu.

VaEvans Sithole vanoti zvakakosha kuti nharaunda igare yakachena kuitira kudzivirira kupararira kwezvirwere, izvo zvavanoti zvatadzikwa nekanzuru yavo.

“Taona motokari yekanzuru ichipaka pachuru pedyo nemusika wedu we’gas’, vashandi vacho ndokutotanga kurasira tsvina panonamatira mapositori zvekusvika zigomba kutozara imwe yava kutoyerera.

“Pazoita zhowe-zhowe mushandi wekanzuru uyu achiramba kusveta tsvina iya kuti idzokere mutangi remota yake saka vanhu vakabva vamusungisa neEMA. Asi azotora mushonga ndokumwaya-mwaya pamusoro petsvina iyi,” vanodaro VaSithole.

Mumwezve mugari wemusha uyu, uyo anongozviti Mai Yuti, anoshorawo kanzuru yekuChitungwiza nekusvibisa nharaunda.

“Chinonetsa ndechekuti kanzuru iyi haisi kutakura marara kana kugadzira migwagwa, pamusoro peizvi yave kuuya kuzodira masuweji munzvimbo matinogara iyo ichiziva kuti tinonwa mvura dzemumatsime. Hatisati taisirwa pombi dzemvura muno saka vanozviitirei? Vanofunga kuti tiri mhuka here? Apa vakanya zvikuru,” vanodaro.

Cab Kwetini anoti imwe tsvina yava kutoyerera nemimugwagwa zvekuti kukanaya mvura inoyerera ichienda mumigodhi.

“Hatina madhireni anofamba nemvura muno saka mvura payanaya yatongoyeredza tsvina iyi ichienda kumigodhi. Kanzuru ndiyo yave kukonzera typhoid necholera muno.

“Mutyairi wemota yacho ange achiita nharo saka apotsa arohwa nevanhu,” anodaro.

Mushandi wekanzuru uyu — uyo asina kuzivikanwa zita rake — akaramba achiita nharo asingade kusaina tikiti refaindi raakapihwa neEMA achiti aida kuti risainwe nemukuru wekubasa kwake.

Asi VaKangata vanoti vakasunga kanzuru yeChitungwiza nemhosva yekurasira tsvina yevanhu munharaunda inogara veruzhinji, kwete mutyairi wemota yekutakura tsvina iyi.

“Takasunga kazuru nekuti vashandi vayo nemotokari yayo ndivo vakapara mhosva,” vanodaro VaKangata.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vavazivise nekuchimbidza pamusoro pezvinoitika munzvimbo dzavo izvo zvine chekuita nekukanganiswa kwenharaunda.

“Veruzhinji vakasununguka kuchaya nhare panhamba dzeToll Free dzinoti 08080028 kana kuti WhatsApp 0779565707.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemunyori mukuru (town clerk) wekanzuru yeChitungwiza — VaGeorge Makunde — kuti inzwewo divi ravo panyaya iyi sezvo pakashanyirwa mahofisi avo vakanzi vaive mumusangano uye nhare yavo yaingorira isingadairwa kusvikira pakunodhindwa kwenyaya ino.

Zvakadai, munguva pfupi yadarika vanhu

vaviri vakarasikirwa neupenyu kuMbare, muHarare nekuda kwechirwere chetyphoid, kuchiti mugore ra2008, vanhu vakawanda zvikuru vakarasikirwawo neupenyu kuChitungwiza nekuda kwecholera — zvose zvirwere zvinokonzerwa nehuchapa.

Share This:

Sponsored Links