Chibadura: Shasha yeSungura

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Chibadura: Shasha yeSungura

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUTANGA svondo rino bepanhau reKwayedza – pano neapo – richange richikupai nhoroondo yevaimbi vane mukurumbira munyika muno, kusanganisira vashakabvu.

Svondo rino tina John Chibadura uyo aizivikanwa zvikuru nezita remadunhurirwa rekuti Mr Chitungwiza.

Chibadura akaberekwa musi wa17 Kurume mugore ra1957. Zita rake rekuzvarwa ainzi John Nyamukoko uye akashaikirwa naamai vake achiri nemakore mashanu okuberekwa izvo zvakamuona achikura achichengetwa nehama dzakasiyana. Achiri mudiki, Nyamukoko akatanga kushanda mabasa akasiyana anosanganisira kufudza mombe pane rimwe purazi kuDarwendale uko kwaaibva.

Akazowana basa rekutyaira tirakita pane rimwe purazi mushure mekuzotyaira rori zvakare.

Panguva iyi ndipo paatanga kudzidzira kuridza magitare.

Kugona kuridza gitare kwakaona Nyamukoko achitumidzwa zita remadunhurirwa neshamwari dzake pamwe nevatsigiri kuti Chibadura apo pakazobva zita rekuti John Chibadura.

Mugore ra1980, akabva kuDarwendale ndokuenda kuHarare pamwe chete neshamwari yake – Sheperd Chinyani – apo pavakatangisa chikwata chavo chainzi The Holy Brothers.

Zvisinei, chikwata ichi hachina kure kwachakasvika uye Chibadura akazotanga kushanda naTineyi Chikupo uyo aitungamira chikwata cheMother Band.

Vatatu ava vakazobatana naRonnie Gatakata pamwe naBata Sinitarwo uyo anozivikanwa saManyowa ndokutanga kuita mashoo kuDomboshava nekumahotera akasiyana muguta reHarare.

Chikwata ichi chakazotanga kuita mukurumbira chichiridzira mhanzi yacho paMverechena Hotel kwakare kuDomboshava apo pakazobva zita rekuti Mverechena Band.

Nekufamba kwemakore, chikwata ichi chakazenge chave kuridzira paMushandirapamwe Hotel kuHighfield muHarare apo vatazozvipa zita rekuti Sungura Boys vachitungamirirwa naChibadura. Chikwata ichi chakatsikisa madambarefu akaita mukurumbira anosanganisira Sara Ugarike uye Rugare Tangenhamo.

Chibadura akazobva kuSungura Boys, ndokutanga chikwata chake cheTembo Brothers icho chakazomuona achisvika kure munyaya dzemimhanzi.

Tembo Brothers yakaita mukurumbira munyika muno nekunze uye Chibadura nechikwata chake vakanoridza kunyika dzinosanganisira United Kingdom nekuIreland. MuAfrica, Chibadura aive nemukurumbira mukuru kunyika dzakaita seMozambique uko aipihwa ruremekedzo rwakanyanya.

Panguva iyi Chibadura akanetsa nenziyo dzinosanganisira Rudo Runokosha, Mudiwa Janet neZuva Rekufa Kwangu.

Zvisinei, gore dema rakazouya mugore ra1999 apo Chibadura akashaya mushure mekurwara kwenguva refu.

Chikwata chake chakasara chichitungamiriwa naRodrick Chemudhara. Zvakadai, vanakomana vake vatatu vaChibadura vanoti John, Simbarashe naKnowldge nguva yadarika vakati vane hurongwa hwekumutsiridza mukurumbira wababa vavo muindasitiri yemimhanzi.

Share This:

Sponsored Links