Uncategorized

Chibage ava n’anga

18 Sep, 2014 - 13:09 0 Views
Chibage ava n’anga

Kwayedza

  • ‘Ndakatanga Mashakada achiri mupenyu’

  • ‘Baba vanosvikirwa kana vagumburiswa’

MUIMBI Shame Mashonganyika (38), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Chibage”, anonzi ava n’anga uye ave kusvikirwa zvisinei nekuti anopinda chechi yechipositori.

Pamusoro pezvo, Chibage ave kuita basa rekusona shangu kumba kwake kuHopley, muHarare, senzira yekutsvaga pundutso.

Chibage akaita mukurumbira apo aiimba nemushakabvu Cephas “Motomuzhinji” Mashakada.
Muhurukuro neKwayedza, Chibage akatsinhira kuti ari kubatsira vanhu nekuvarapa nemishonga yechivanhu zvirwere zvakasiyana.

“Kurapa ndinorapa zvechokwadi, zvikuru cancer (gomarara) uye zvikawirirana nezvandinoziva ndinokurapa ukapona ipapo. Asi kusvikirwa handisvikirwe. Ndinopinda chechi yeHoly Apostolic Church kunyangwe zvazvo ndakazvarirwa kuSeventh Day Adventist.

“Nyaya yekuti ndinorapa yakatanga kare apo Mashakada aiva mupenyu tiri kuMutorashanga tichiridza,” akadaro.
Zvisinei nekurapa vanhu kwaari kuita, Chibage anoramba kuti in’anga achiti anongobatsira pasina kubhadharisa. Anoti zvakare akatanga bhidhauko rekugadzira shangu nedonzvo rekutsvaga chouviri.

CHIBAGE Mashonganyika (wechipiri kubva kuruboshwe) aine vamwe vaanoshanda navo apo vaigadzira bhutsu nguva pfupi yadarika.

CHIBAGE Mashonganyika (wechipiri kubva kuruboshwe) aine vamwe vaanoshanda navo apo vaigadzira bhutsu nguva pfupi yadarika.

“Ibasa randakaona rakakodzera kuti ndichigadzira zvangu bhutsu izvo ndiri kurarama nazvo. Ndakazvitanga muna2012 mushure mekudzidziswa basa iri. Tinotengesa bhutsu dzedu kwakawanda,” akadaro. Mudzimai wake, Bester Chikura (38), akatsinhira kuti murume wake anosvikirwa.

“Baba vanosvikirwa kana chete vagumburiswa, vaita hasha dzakanyanya,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey