Chibage chemuchando chinoyambutsa

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Chibage chemuchando chinoyambutsa

Kwayedza

. . . kunyanya kana iri ‘Fire Cracker’ ne’Casa Banana’

Philip Matombo —
TINOKUKWAZISAI varimi muchirongwa chedu cheMudhumeni Mukuru apo tinokurukura nekudzidzisana nhau dzekurima. Kuti bhizimisi rekurima rinakidze, mari inofanira kubva mumabhizimisi anodarika maviri kana matatu ari ekurima izvo zvinobatsira kuti homwe igare ichifema nemari.

Munguva ino chando chava kunopera kudai, tinokukurudzirai kuti murime zvirimwa zvakaita sechibage chinyoro (green mealies). Tikachirima nemazvo uye nenguwa, chibage chinyoro chinobhadhara samare, kunyanya tikashandisa mbeu dzamakauchikirwa nekambani yenyu yeSeed Co. Dzimwe dzacho dzava kutopihwa mazita emadunhurirwa pamisika sekuMbare sekuti Fire Cracker inova SC608 neCasa Banana SC727 mushure mekunge varimi nevanohodha kana kutenga chibage chinyoro vanakirwa nemiguri yembeu idzi.

Chibage chinyoro igwenzi remari zhinji, tichaita svomhu dzacho kuti tinohwina sei. Chibage chinyoro hachinetsi kurima nekuchitengesa sezvo ukarima zvakanaka, vatengi vanongouya vokumba zvavo pamunda pako iwewe woita mari masikati machena. Naizvozvo tichakurukurazve marimirwo egwenzi iriri.

Munyika yedu tine rombo rakanaka kunyaya varimi nekuti mune kambani yeSeed Co iyo inokuuchikirai mbeu zvemhando yepamusoro. Zvangosarira kwamuri varimi kuti muzvambure mari nembeu dzechibage chinyoro. Tine mbeu dzakati wandei dzamunogona kurima kana takanangana nechibage chinyoro dzinosanganisira SC727, SC719, SC637 neSC513, dzose dziri dzechibage chichena. Kunozoti SC608 neSC402 dzinova dzerudzi rweKenya (yellow).

Mbeu inonzi SC727 ndinofunga varimi munotenderana nesu kuti imbeu inoita zimuguri zihombe zvekuti kana semurimi ukasvika nacho pamusika, dzimwe mbeu dzinotombomira kutengwa iwe wotengerwa wotodzoka kumba watyorera mari muhomwe. Imbeu inotitorei mazuva akati wandei pane dzimwe mbeu asi musaitya nekuti mazuva ayo ekuti igocheke haanyanyi kusiyana nemazuva anodarika 15 nembeu dzeShumba dzakaita seSC608 neSC637.

Mwaka wadarika mbeu iyi yakashura mare kuvarimi ndokuzodaidzwa zita rekuti Casa Banana nekuda kwekutapira pakudya nekukura kwemiguri.

Tinewozve mbeu yerudzi rweKenya yeyellow inonzi SC608, inova yanetsa pamusika kwemakore. Yakazopihwa zita rekuti Fire Craker mushure mekuona kuti kana uchigocha chibage ichi, chinoputika semaputi, chakapfava uye chinotapira. Saka pamusika unongonzwa kuti Fire Craker yauya kana wasvika nacho naizvozvo hachinetsi kutengesa, kunyanya ukachirima zvakanaka.

SC608 imbeu inoita miguri mihombe inotapira pakudya uye ukaityora nhasi mangwani chibage chacho chinenge chichingotapira zvekare inopa murimi mazuva akati wandei isati yaoma mumunda ichitengeseka chibage chiri chinyoro. Ndokusaka tichiti, “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Tinokurudzira varimi kuti chando chichingopera, panova pakati pemwedzi waChikunguru (July) tototanga kudyara chibage chinyoro kunze kwenzvimbo dzinopisa dzakafanana neMuzarabani kana Middle Sabi uko chibage chinorimwa nguva dzose. Izvi zvinoitirwa kuti kana kuchitonhora chibage hachikuri, miguri yoita midiki kunyange tikachipa kudya kwakadii.

Munguva yechando chibage chinowanzobatwa nechirwere cheMaize Streak Virus (MSV) saka zvisinei nekuti imbeu ipi, tengai mushonga unonzi Gauco kana Cruiser mousanganisa nembeu musati madyara kudzivirira chirwere ichi. Chirwere ichi chinochenurutsa mashizha, chimwe chibage chototadza kubereka uye goho roderera.

Kuti tiwane miguri inotengeseka uye yakawanda isingazotinetsa pakutengesa chibage chedu chichinzi nevatengi chidoko, pamusoro pekusarudza mbeu yakanaka tinokukurudzirai kuti musanyanya kubatanidza chibage pakudyara. Dyarai madzinde ari pakati pe36 000 – 40 000 pahekita imwe. Semuenzaniso, mukadyara 90cm kubva pane umwe mutsara kuenda pane umwe mozoti 30cm kubva pane rimwe dzinde kuenda pane rimwe munowana 36 000 madzinde pahekita.

Chibage chakafaranuka chinokupai miguri mihombe inomhanyirwa nevatengi.

Ukawanza madzinde pahekita unowana chibage chakawanda asi chinonetsa kutengesa sezvo miguri yacho inozoitawo midiki. Regai vakuru vakati akuruma nzeve ndewako.

Kuti tiwane miguri mihombe, zvinodawo kupa kudya kwakakwana. Tinokukurudzirai kuti munoongororesa ivhu kuti muone kuti rinovava nekutapira zvakadini uye kuti rinoda fetireza yakawanda sei. Kana tisina kudaro, fetereza yepasi inoda 400 kg Compound D pahekita kana ne350- 400kg fetireza yepamusoro yeAN.

Fetereza yepasi ngainge iri pasi pembeu yedu tofushira zvishoma, tozoisa mbeu kuti irege kupiswa.

Yepamusoro ngatiisei vhiki rechina kubva chibage chamera 200kg dzimwe 200kg toisa kwapera mavhiki maviri taisa yekutanga kuitira kugezwa (leaching). Tikadai tinenge tatoroya.

Chibage chamera mavhiki maviri kana matatu, ngationgororei kuti gonye riya rinonzi Fall Armyworm harimo here toriuraya richiri doko nekuti kana rakura rinotivirira mishonga. Mimwe yemishonga yakaonekwa ichiuraya inonzi Super Dash neBlast Super. Zviri nani kudzivirira pane kurapa, saka tinogona kufirita kamwe pavhiki.

Tichibatsirwa nebandiko reHurumende reIrrigation, ngatirimei panoenderana nehuwandu hwemvura yatinayo mungava mudhamu kana mumugodhi. Izvi zvinotibatsirawo kuti tiwane goho rakanaka uye mvura isatiperera chibage chichiri kukura.

Kurima chibage chemuchando kwakayambutsa varimi vakawanda kunyanya ukaziva mbeu dzekurima nenguva nekuchirima nemazvo. Zvinobatsira nekuti homwe dzinogara dziine mari muChirimo sezvo pahekita imwe tinogona kuwana $4 000 kusvika ku$6 000 zvichisiyana nemutengo unenge uri kumisika nekugona kurima apa murimi anenge ashandisa $1 500 kusvika $2 000 pahekita imwe. Zvichireva kuti kurima chibage chinyoro kune mari.

Ngatirimei mbeu dzandareva idzo dzamunouchikirwa nekambani yenyu yeSeed Co nekuti, Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

Philip Matombo murimisi weSeed Co uye anobatika panhare dzinoti: 0772 572 497

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>