Chibage che’Orange’ chotora mukombe

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Chibage che’Orange’ chotora mukombe SONY DSC

Kwayedza

Lawrence Mjere —
RUZHINJI rweZimbabwe kumatunhu akasiyana rwava kurima nekudya chibage che “Orange” icho chine kudya kweVitamin A kune utano. Chibage chine ruvara rweorange ichi chakauchikwa zvine unyanzvi hwepamusoro chichiwedzerwa kudya kunovaka muviri uye chiri kutaurwa nezvacho munyika yose yeZimbabwe.

Kambani yePrime SeedCo ndiyo iri kushambadza nekutengesa mbeu yechibage cheOrange inonzi ZS 242.

Imhando ipi yechibage iyi?
Chibage chine ruvara rweorange chakauchikwa (hybrid) chichiwedzerwa kudya kweVitamin A uko kunovaka muviri. Pakurimwa nekuratidzika kwacho, pachinokura mumunda chakangofanana nechimwe chibage chichena. Asi chibage ichi chinozoita tsanga dzeorange kana chaibva. Izvi zvinokonzerwa nemacarotinoids (proVitamin A) ayo anozoshandurwa kuita Vitamin A mumiviri yevanhu.

Vanhu vazhinji vakanzwa nezvechibage ichi vanofunga kuti chakafanana nechibage cheyellow chinozivikanwa nokuti kenya. Saka vanhu vanobvunza kuti ikenya here. Kwete, zvakasiyina nokuti kenya haina kudya kweVitamin A kwakawanda.

Vamwe vanhu vanofunga kuti chibage cheorange iGMO sezvo chakasiyana nechiya chichena chavakajaira. Kwete, chibage ichi chakauchikwa nenzira dzinotevedzerwa munyika, uye chinoongororwa nekupiwa makambani anoshambadza nokutengesa mbeu nevebazi reHurumende rezvekurima (Ministry of Agriculture) muchikamu chezvekuuchikwa kwembeu (Department of Research and Specialist Services).

Ko, Vitamin A inobatsira chii?
Vitamin A kudya kunodiwa mumuviri kudzivira zvirwere, kuti maziso aone zvakanaka (kudzivirira ubofu), kuti ganda ritaridzike zvakanaka, kuvandudzwa kwechibereko (reproductive organs) mwana achiri mudumbu nezvimwewo zvakawanda. Kushomeka kweVitamin A muvana vari pasi pemakore mashanu kunogona kukonzeresa rufu. Nokudaro, mhuri yeZimbabwe inofanira kuwana kudya kwakakwana kweVitamin A.

Chibage cheOrange ichi chavakurimwa here muZimbabwe?
Chibage cheOrange chiri kurimwa mumatunhu gumi nerimwe muZimbabwe pasi pekurudziro yeHurumende neshamwari dzayo yekurimwa nekudyiwa kwezvirimwa zvinovaka muviri cheLivelihoods and Food Security Program (LFSP). Matunhu ari muchirongwa ichi ndeanoti Makoni, Mutare neMutasa kuManicaland, Bindura, Guruve, Mazowe neMt Darwin kuMashonaland Central, Zvimba kuMashonaland West neGokwe South, Kwekwe neShurugwi kuMidlands.

Matunhu aya akatanga kurima chibage cheOrange mumwaka wa2015-16. Pari zvino vanhu vazhinji vakanzwa nezvechibage ichi vave kuchirima kune dzimwe nzvimbo zhinji kusanganisira Matebeland, Masvingo neMashonaland East. Chibage cheOrange chava kurimwa zvakare nevarimi vemapurazi makuru. Varimi vese muZimbabwe vanogona kurima chibage cheOrange ichi.

Vamwe vanhu vanobvunza kuti chibage ichi chinodyarwa sei mumunda. Apa hapana mutsauko nechimwe chibage. Chibage ichi chinofanira kudyarwa mumwaka nenguva dzakafanira uye muvhu rine kudya kwakafanira kuti goho rikwirire.

Dambudziko rinogona kuwanika pakurima chibage cheOrange nderokuti chibage ichi chinogona kukanganisa chichena kana zvarimwa muminda yakabatana (cross contamination) zvichikonzerwa nekutapurirana maruva (xenia effect). Kuti izvi zvisaitika, varimi vanokurudzirwa kudyara chibage cheOrange zvinhanho mazana maviri (200m) kubva pamunda une chibage chichena. Varimi vanogona kudyara chibage cheOrange shure kwemavhiki maviri chibage chichena chamera. Varimi vanogona zvakare kudyara ndima yechimwe chibage pakati pemunda wechibage cheOrange nechichena (buffer crop).

Chibage cheOrange chine goho rakadini?
Chibage cheOrange chinoda mwaka mupfupi (115 – 125 days) kuti chiibve. Chinogona kurimwa kunzvimbo dzinonaya mvura shoma zvakare hachishungurudzwi zvakanyanya nezvirwere kana nemakonye. Dzinde roga roga rinobereka miguri miviri kana kudarika zvichienderana nekudya kuri muvhu. Kana charimwa zvakanaka chinotipa goho riri pakati pematani manomwe kusvika gumi (7 – 10t/ha) pahekita.

Chibage cheOrange chinobikiswa sadza here?
Hamusati madya sadza, chibage chakagochwa kana chakabikwa chinotapira zvakadaro. Hongu chibage cheOrange chinogaiwa hupfu hwekubika sadza kana bota. Sadza iri rinonaka samare. Vanhu vazhinji vakawana mukana wekudya sadza rechibage cheOrange nevana vakambodya bota racho vanoti vave kuita dambudziko rekudya sadza nebota jena kana upfu hwavo hwapera. Uye paongororo yakaitwa zvinoratidza kuti vanhu zvikamu makumi masere kubva muzana (80%) vakapiwa sadza jena nereorange vakavharwa maziso vakati vanofarira sadza reorange.

Upfu hwechibage ichi hunogonawo kubikiswa chingwa, mabhanzi, maheu, makeke nezvimwe zvakawanda zvichienderana naunyanzvi hwemunhu pakubika.

Chibage ichi chinotengeserwa kupi kana varimi vakohwa chakawanda?
Chibage chose muZimbabwe chinotengeswa kukambani yeHurumende yeGrain Marketing Board (GMB). Asi kune makambani makuru mazhinji akazvimirira ari kuchitsvaga kuti vagaye hupfu, vabike maheu kana kugadzira maputi nezvimwewo. Makambani aya atomirira varimi kuti varime chibage cheOrange chakawanda vagozotenga.

Mbeu yechibage ichi inowakikwa kupi?
Zvitoro zvikuru zvizhinji zvinotengesa mbeu kuvarimi zvave kutengesa mbeu yechibage cheOrange. Zvitoro izvi zvinosanganisira Farm & City, Farm Bizz, Omnia, MFS, Veterinary Distributors nezvimwewo.

Uye varimi vanogona kushanyira zvitoro zvePrime Seed Co kana kubvunza vanoshambadza mbeu iyi vePrime Seed Co kumatunhu akasiyana-siyana.

Kana kubata vanotevera:

Masimba Kanyepi pa0772 813 232

Tariro pa0731 664 592

Elizabeth pa0772 432 590

— Lawrence Mjere anoshandira kambani yeHarvestPlus iri munaMazowe Road, muHarare. Number dzekubasa 04 290 6606, email [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey