Chibharo: Iwe neni tine basa

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Chibharo: Iwe  neni tine basa

Kwayedza

MUUPENYU kune vamwe vanhu vekuti vakasvika pakushungurudzwa zvakanyanya kana kuti vakapererwa nemazano kana pane matambudziko avanenge vachisangana nawo vanofunga zvekuzvipfuudza upenyu hwavo. Vamwe vanofa kuburikidza nekunwa muchetura vamwe vachizvisungirira.

Asika, semaonero edu, kuzviuraya handiko kunopedza matambudziko anenge achisanganikwa nawo asi kuti kunotoawedzera.

Seimwe yenyaya yatinayo svondo rino, yemurume aigara kumapurazi ari kunzvimbo yeNyabira, uyo anonzi akazviuraya nekunwa muchetura ndokuzozvisungirira. Mukubuda kwenyaya iyi zvinonzi murume uyu akazviuraya mushure mekunge aporofitwa kumasowe kuti akange atarisana nemusuwo wejeri achinzi aibata chibharo mwanasikana wake ane makore 14 okuberekwa. Sekutaura kwakaitwa nemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Province, Inspector Clemence Mabgweazara, vachitsinhira chiitiko ichi, vakati kunyangwe zvake murume uyu aive akatarisana nemhosva iyi, aisafanira kuzviuraya asi kuti amirire kutongwa, kana achienda kujeri onopfigirwa zvake mune zvakanaka.

Insp Mabgweazara vakakurudzira veruzhinji kuti vamhan’are nyaya dzakaita sedzekushungurudzwa kwevana.

Zvinosuwisa kuziva kuti nyaya yemwanwasikana anonzi aibatwa chibharo nababa vake uyu yakazobudira kumasowe uko yakaporofitwa. Zvichireva kuti dai nyaya iyi isina kuporofitwa pamasowe mwana uyu, kana chiri chokwadi chekuti aibatwa chibharo nababa vake, aingoramba achibatwa chinyararire? Apo amainini, mukadzi wechipiri wababa ava, anoti aizviziva zvake asi achinyarara.

Nyaya dzekubatwa kwevana chibharo dzimwe dzacho hadzisi kumhan’arwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Dzimwe dzinonyararwa nekuda kwekuti vana vacho vanenge vabhinywa vanotyisidzirwa vachinzi vanogona kuuraiwa nevanenge vavabata chibharo sezvinonzi ndizvo zvaiitika munyaya iyi.

Kune vamwe vanaamai zvakare vasingamhan’are nyaya dzerudzi urwu kana vari baba kana imwe hama yepedyo inenge ichipara mhosva iyi vachityira kuti kana vakasungwa vakaenda kujeri, mhuri inosara ichitambura.

Asi kusiri kutambura ndekupi nekuti pamusha pangave nerugare here amai vachiziva kuti mwana wavo ari kubatwa chibharo nababa vake?

Semaonero edu, nyaya dzechibharo dzinofanira kumhan’arwa kumapurisa, zvisinei nekuti ndiani anenge adzipara. Munhu anobata mwanasikana kana kuti munhukadzi chibharo haana kumbosiyana nemhondi. Nekuti nyakubhinywa achashungurudzika kweupenyu hwake hwose. Kana kutotapuriswa hosha dzaveko seHIV/Aids.

Kana mwana akabatwa chibharo nababa vake zvinomukanganisa upenyu hwake sezvo chiitiko chakadai ichi hachimbofa chakabva mupfungwa dzake. Vana vanotarisira kuvabereki kuti vavachengetedze zvino kana vari ivo vovabhinya vanotizira kupi?

Inga vakuru vanoti chirere mangwana chigokurerawo. Zvino kana vabereki vobhinya vanasikana tinozove nyika yakadii?

Ibasa remunhu wose kurwisa kubatwa chibharo kwevanhukadzi.

Share This:

Sponsored Links