Chidzambwa ari kudemba

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Chidzambwa ari kudemba

Kwayedza

MURAIRIDZI wenhabvu ane mukurumbira, Sunday “Mhofu” Chizambwa, anoti kunyangwe zvakanaka chaizvo kuti vatambi vemuno vaende kunotambira nhabvu kunze kwenyika, nekune rimwe divi izvi zviri kukanganisa kusimukira kwemutambo uyu muZimbabwe.

Izvi zvinotevera kutengwa kuri kuitwa vatambi venhabvu vakawanda vemuno kunze kweZimbabwe, kunyanya vechidiki, nezvikwata zvinosanganisira zvekuSouth Africa nekuEurope.

Vatambi vechidiki vakaita saRonald Pfumbidzai, Tino Kadewere, Walter Musona naWisdom Mutasa, vose vakatengwa nezvikwata zvekuEurope nguva pfupi yadarika izvo Mhofu anoti zvichadzosera zvikwata zvavaitambira muno shure.

Mhofu anoti nhabvu yemazuva ano yasiyana neyemakore adarika pavainge vachiri kutamba. Chidzambwa, uyo ane mukurumbira pakurairiza nhabvu nekubika vatambi vechidiki, anoti kushaikwa kwemari pamwe nevatsigiri ndiko kuri kuita kuti vatambi vane mukurumbira vasarudze kunotambira kunze kwenyika.

“Chandinoona chiri kuuraya nhabvu yemuno kutiza kuri kuita vatambi vakawanda vachinotambira zvikwata zvekunze. Vatambi vedu vose vanogona vanofanirwa kuramba vari muno ligi redu richisimba kwete kutorwa vachinosimbisa zvikwata zvekunze.

“Zvakanaka hazvo kuti vanotambira kunze uko vorarama upenyu hwakanaka. Kungoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika medu munyaya dzezveupfumi pari zvino ndosaka vari kutiza.

“Dai zvinhu zvisina kuoma vakotsveri vaitokwikwidzana kudira mari nhabvu yedu yosimba,” anodaro Mhofu uyo ari kurairidza chikwata cheZPC Kariba.

Akaenderera mberi nekupa muenzaniso weaimbove kaputeni weTP Mazembe yekuDemocratic Republic of Congo, Tresor Mputu, uyo akaramba kuenda kunotambira Arsenal yekuEngland mushure mekunge avimbiswa mari shoma kudarika yaaipihwa nechikwata chake.

Anoti zvakare vatambi vazhinji vane mukurumbira kuEgypt vanotambira nhabvu munyika iyi izvo zvinobatsira mukusimudzira mutambo uyu.

“Pane mumwe mutambi weTP Mazembe akaramba kuenda kunotambira Arsenal nekuti mari yaaipihwa nechikwata chake yaive yakanaka zvikuru kudarika yaaizonopihwa nemaGunners.

“KuEgypt zvakare kashoma kunzwa kuti vatambi vacho vari kunotambira kuEurope, vanogara munyika mavo umo vanochengetwa zvakanaka uye nhabvu yeko yakasimba,” anovedzera achidaro Mhofu.

Kunze kwaizvozvo, Chidzambwa anoti zvakakoshawo kuvandudza chirongwa chekusimudzira vechidiki vane tarenda renhabvu, cheJunior Policy, sezvo vari ivo vatambi vemangwana.

Anoti kare kwaive nezvikwata zvaizivikanwa semaBoys Clubs aive kuMai Musodzi Hall nekuStodart Hall, kuMbare nekuMabvuku uko nhabvu yevechidiki yaisimudzirwa.

“Hatisisina zvirongwa zvekushanda nevatambi vechidiki sezvaiitwa kare, ndipo pandinoona pari kufira bhora redu. Tinofanirwa kukoshesa nhabvu yevechidiki uye tinofanirwa kukotsvera nemari kuti isimukire. -Vatambi vakaita saMemory Mucherahohwa akabikwa zvakasimba neDynamos akabva kumaUnder-18 ndokupinda muchikwata chevakuru umo maakanetsa.”

Otaura nezvemitambo yemuPremier Soccer League yegore rino, Mhofu anoti mukombe uyu unogona kuhwinwa nezvikwata zvisiri zvemuHarare kana Bulawayo.

Anoti zvikwata zvinoti Triangle neFC Platinum zviri kutamba nhabvu inodakadza uye zvose zvine mukana mukuru wekuhwina mukombe uyu, ndokunge zvikaramba zvichishanda nesimba.

“Triangle yakarongeka zvikuru uye iri kutamba nhabvu inodakadza, ikaramba yakadaro inogona kuhwina gore rino.

“FC Platinum iri kuuya nazvo zvakare, Norman Mapeza ari kubata basa rakanaka kuchikwata ichi.

“Hatizokwanganwe Dynamos nekuti kuchikwata ichi kunozivikanwa nekuhwina chete uye kana chikasatora mukombe uyu panoita mutauro,” anodaro Mhofu.

Chidzambwa akambotambira Dynamos pamwe nekuzoirairidza zvakare makore adarika apo yakahwapura mikombe yakawanda yePSL. Akambovazve murairidzi wechikwata chenhabvu chenyika, cheWarriors. Mhofu anoti chikwata chake cheZPC Kariba chicharwa semvumba kuti chisaburitswe muPSL.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey