Uncategorized

CHIGUMURA: N’ANGA DZAITA MARI

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
CHIGUMURA: N’ANGA DZAITA MARI

Kwayedza

PANE n’anga nemaporofita vakaudza Kwayedza svondo rino kuti muzuva ano vanota nemari nezvimwe zvipo zviri kubva kuvanhu vari kutsvaga rubatsiro kwavari rwekuti vasadzingwe mabasa panguva iyo makambani ari kudzinga vashandi achishandisa mutemo wezvakabuda kudare redzimhosva repamusoro, uyo wave kungodaidzwa se”3 months notice”.

Kwayedza yakaitawo ongororo pamusoro penyaya iyi ndokuona kuti kune vanhu vakawanda vari kupotera kun’anga nekumaporofita vachitsvaga mishonga, miteuro nemvura zvekuti varambe vari pamabasa.

Chimwewo chakabuda ndechekuti, kusiyana nemamwe mazuva ekumashure apo vanhukadzi vari ivo vange vachiwanda pakunotsvaga rubatsiro rwezvinovanetsa kun’anga nekumaporofita, vanhurume ndivo vave kuonekwa nehuwandu hwavo kumagodobori nekumasowe nekuda kwepfumvu yaunza kusagadzikana kwevashandi mumabasa.

Vanhu vari kuita chipatapata kuenda kun’anga nekumaporofita vanonzi vanosanganisira “mashefu”, vamwe vakapihwa matsamba ekudzingwa mabasa nevamwe vasati vadzinga, avo vanenge vasinganyatsoziva pavamire.

Pakasvika vatori venhau paimwe n’anga kuChitungwiza, yakaratidzwa mumwe ainzi “ndishefu” uyo ainge achangobva mukupfungaidzirwa nekukweshwa musana nemishonga achida kuti asadzingwe basa.

“Maona vakuru vabuda muno avo? Ndishefu kubasa kwavo asi vanga vauya vachiti vanoda kubatsirwa nekuti havazive kuti zvakavamirira sei kubasa kwavo.

“Ndavapfungaidzira mbanda (mishonga) ndikavakwiza kumusana. Ndishefu ku**** (achidura zita rekunoshanda murume uyu),” yakadaro n’anga yekuSt Mary’s apo yainongedza murume aipinda mumotokari yake.

Musi wa17 Chikunguru gore rino, dare repamusoro reSupreme Court rakatonga munyaya yevashandi veZuva Petrolium richiti zviri pamutemo kuti mushandirwi ape mushandi chiziviso chekupera kwebasa chemwedzi mitatu bedzi.

Izvi zvakabva zvaita kuti vamwe vashandirwi vadzinge vashandi zvikasiya vasevenzi vanodarika 20 000 vava marovha.

Nekuona zvainge zvoitika izvi, bazi rezvemabasa, iro rinotungamirirwa negurukota Cde Priscah Mupfumira, avo vakafanobatazve chigaro chegurukora rezvekufambiswa kwemashoko, rakabva ratanga kugadzirisa mutemo weLabour Act nechinangwa chekumisa nekugadzirisa dambudziko iri.

Asi panguva imwe chete iyi, n’anga nemaporofita vari kupfura mari nekudirwa zvimwe zvipo nevanhu vachitsvaga kuchengetedza mabasa.

VaObert Marumba (42), avo vanova n’anga iri pasi pesangano reZinatha vachigara kuSt Mary’s, kuChitungwiza, vanoti kubvira pakatanga kudzingwa vashandi mabasa, vari kushandira vanhu vanodarika 20 pazuva.

“Pano pari kuita mitsetse yevanhu vari kufambira nyaya dzemabasa. Vamwe ndevakadzingwa vari kuda kudzokera kumabasa asi vamwe ndivo vari kufunga kuti vari pedyo nekumiswa mabasa saka vanoda mishonga yekuti vapukunyuke munyatwa iyi,” vakadaro.

Vanoti vari kuenda vachida kukandirwa hakata dzekugara pamabasa vanosanganisira vashandi vemakanzuru, vemakambani akazvimirira, vemudzimba neveHurumende, kusanganisira mapurisa.

“Semumwe achangobva pano mupurisa ane chinzvimbo chepamusoro, tange tichimugeza munyama wekuti agare pabasa nekuti kune zvisinawo kumumirira mushe kubasa kwake.

“Asi vamwe vari kuuya tinoona kuti vari kudzingirwawo mabasa aya pazvinhu zvechokwadi, sekuba, kutora nekusashanda nemazvo. Ivava tinovabudira pachena kuti ndimi makaporonga kambani kuti iwire pasi nekuda kwehuwori, saka endai kumba munogara kusvika zvinhu zvazogadzikana,” yakadaro n’anga Marumba.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda (46) vekereke yeSungano Dzvene Revapositori, kuMufakose, muHarare, uye vari zvakare mukuru anoona nezvekunyoreswa kwevarapi vechivanhu nevemakereke (chief registrar) kusangano reZimbabwe National Practiotioners Association, vanoti vari kubatsira vanhu vanodarika 78 pasvondo nenyaya dzemabasa.

“Vanhu vari kuuya kukereke kwangu vanodarika 78 pasvondo uye vazhinji vacho vari madzimai nevakuru mumabasa. Kana vari vakuru vemakambani, vazhinji vanenge vachitoda masimba ekuti vakwanise kudzinga vashandi pasina kuzokuvadzwa nemishonga. Vanouya vachiti havasisina mari dzekuvatambirisa,” vakadaro.

Bishop Nyaruvenda vanoti matambudziko ekudzingwa kwevashandi mabasa ave kumutsa nyaya dzakawanda, sekuita chipfambi. “Isu sevatungamiriri vemakereke tiri kuedza kupanga vaya vari muwanano kuti vasarambane kana kurasa tariro nekuda kwematambudziko achadarika. Chipfambi hachina chimuko nekuti chinomutsa zvirwere nerufu vana vosara dzave nherera,” vakadaro.

Bishop Itai Bakasa (43) vechechi yeZvirevo Apostolic Faith Church vanotiwo vari kubatsira vanhu vane chitsama pasvondo avo vanenge vaine matambudziko ane chekuita nemabasa.

“Vazhinji vari kuuya kuchechi kwangu vari kuchema kuti vakashanda kwemakore akawanda ndokumiswa mabasa avo vasina tarisiro saka vari kuda kuti vawaniswe minamato inoita kuti vakuru vavo mumabasa vavapewo migove inoringana nenguva yavakashanda. Zvimwe zvacho tinotoona kuti hapana kana mweya yetsvina iyo vanenge vari kufungira asi kuti inguva yekusiya basa inenge yakwana uyewo mamiriro akaita upfumi hwenyika,” vakadaro Bishop Bakasa.

Bishop Gibson Kasekete (43) vesangano reKuratidza kweVapositori, kuMufakose, muHarare, vakatsinhirawo kuti kune vakawanda vari kuenda kuchechi kwavo nematambudziko ane chekuita nezvemabasa.

Mbuya Agnes Carson (59) vekuGweru, vanove n’anga uye vari mutevedzeri wemukuru wesangano reZINIPA, vanotiwo vari kubatsira vanhu vanodarika gumi pazuva nenyaya imwe cheteyo.

“Pave kuda kuti maindasitiri asimudzirwe tigadzire zvinhu zvedu muno pane kuvimba nekutenga kune dzimwe nyika nekuti zviri kutidhurira uye imwe mari yatiri kuendesa kunze kwenyika haisi kuzodzoka muno. Mari inofanira kutenderera kuti isapera,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey