Chii chinonzi Kaposi’s Sarcoma?

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Chii chinonzi Kaposi’s Sarcoma?

Kwayedza

MUMASVONDO adarika takanga tiri kukurukura maringe nemhando dzezvirwere zvegomarara dzakasiyana uye kuti dzinorapwa sei.

Svondo rino tiri kukupai ruzivo maringe negomarara rinodyidzana neHIV uye ndiro rimwe rinokonzera ndufu dzakanyanya reKaposi’s Sarcoma (KS).

MuZimbabwe uye pasi rose chirwere ichi chakanyanya kurerekera kuvanhurume kupinda kuvanhukadzi.

Zvironda zvinomera pamusoro peganda nemumukanwa, mumaziso kana kunobuda netsvina. Zvinogona kupararira nemumapapu, muchiropa, mudumbu kana munzvimbo dzinobatsira mukurwisa utachiona.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti Kaposi’s Sarcoma inokonzerwa neutachiona hweherpes virus, HHV-8 kana kuti KSHV. Inobata vanhurume kakapetwa kasere kana zvichienzaniswa nevanhukadzi.

Inopararira kuburikidza nenhau dzepabonde kana mate.

KS chirwere chinotyisa uye kare chainyanyobata varume vakura, zvikuru sei avo vanenge vakaitwa maoparisheni ekubviswa nhengo asi iko zvino yawandira kuvanhu vane HIV.

Kaposi’s Sarcoma neHIV:

Nekuda kwekuti HIV inenge yaderedza masoja emumuviri, vanhu vanokwanisa kuita makomarara akasiyana kusanganisira KS.

Kurapa utachiona uhwu kuburikidza nekutora mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs kwakakosha zvikuru sei kana ichangotanga. Izvi zvinobatsira mukuderedza gomarara iri nechikamu che 80-90 percent.

Zviratidzo:

Zviratidzo zvinoonekwa zveKaposi Sarcoma zvinosanganisira maronda paganda asi asingarwadze, kuita mavara matsvuku, matema, epurple kana eblue paganda.

Kana akapararira nemuviri wese anenge ave kuisa upenyu hwemunhu panjodzi.

lKunetseka kudya kana kumedza

l Kurutsa, kubuda ropa mudumbu muchivharira

lKuzvimba maoko, makumbo nekumeso uye duriro.

l Kukosora kwakasimba nekunetseka pakufema

Kuongororwa:

Chiremba vanovheneka gomarara iri kuburikidza nekungotarisa ganda rako. Vanogona kucheka rukanda rwune zviratidzo rwonovhenekwa nemichina kuti vaone kuti igomarara remhando ipi (biopsy).

Kana uri kunetseka kufema unogona kushandisa chubhu yekufemesa.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kukasika kutora mishonga yemaARVs kunobatsira mukuderedza kubatwa negomarara iri apo munhu anenge aonekwa kuti ane utachiona hweHIV. Nekudaro zvakakosha kukurumidza kutsvaga rubatsiro kuchipatara kana ukaona zvausinganzwisisi pamuviri vako. Ongororwa HIV uzive paumire. Kana uine HIV unobva watangisa kupiwa mushonga wokurumidza kubatsirika chirwere chisati chakomba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey