Chii chiri kuitika kuDeMbare?

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Chii chiri kuitika kuDeMbare?

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUBVUNZO uri kugara pamiromo yevatsigiri vakawanda venhabvu – zvikuru veDynamos – ndewekuti chii chaizvo chiri kumboitika kuchikwata ichi?

Kubva DeMbare zvayakaparadzana neaimbove murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, mugore ra2014 apo ainge atungamira kuti ihwinhe mukombe weCastle Lager Premiership kechina uye kakatevedzana iri kungotatarika chete.

Mugore ra2015, Dynamos yakagadza David Mandigora basa kuti atsive Pasuwa. Asi pakati pemwaka uyu, Yogi – sezita remadunhurirwa raMandigora – akadzingwa basa ndokutsiviwa naTonderai Ndiraya uyo akazorairidza maGlamour Boys kusvika mwaka wapera.

Vatsigiri vazhinji venhabvu vaive nefungidziro yekuti Ndiraya ndiye aizoramba ari panyanga kuDeMbare asi chikwata ichi chakakatyamadza vanhu vakawanda apo Paulo Jorge Silva – uyo akange asingatombozivikanwe nhoroondo yake munyaya yekurairidza nhabvu – akagadzwa pachigaro chinopisa ichi.

Kuuya kwaSilva kuDeMbare kwakambokonzera nyonga-nyonga sezvo chizvarwa chekuPortugal ichi chakange chisingawirirane nevatambi uye kukundwa kwavakaitwa mitambo yakawanda kwakazoona murairidzi uyu achidzingwa basa ndokutsiviwa naLloyd ‘Samaita’ Mutasa uyo ari panyanga parizvino.

Izvi zvinoreva kuti mukati memakore maviri Pasuwa abva kuchikwata ichi, DeMbare yagadza varairidzi vana.

Zvakadai, remangwana raMutasa harizivikanwe zvakare sezvo akatarirwa kuti chikwata chake chinofanirwa kutamba zvinogutsa mumitambo 10 yekutanga yemwaka uno uye zvikasadaro chete pake panogona kumuperera.

Mutungamiri weDynamos – Kenias “Kenny” – anoti havatye kudzinga basa murairidzi kana vakaona kuti hapana kwaari kuvasvitsa.

“Basa iri rekurairidza nhabvu rinotariswa nematambiro anenge achiita chikwata, kana murairidzi akati anoda basa isu tinomupa tomutsigira. Asi chikuru chatinoda kuhwina. Isu tiri shasha tinoda kuhwina saka kana tisiri kuhwina panonetsa tinotsvaga zvimwe zvinoita kuti tihwine,” anodaro.

Kunyangwe hazvo DeMbare isina kutanga zvinogutsa mwaka uno izvo zvaitarisirwa nevatsigiri vayo, Mubaiwa anoti anofara nebasa riri kuitwa naMutasa.

Anoti vari kupa murairidzi uyu nguva yake yekunyatsovaka chikwata saka vanhu ngavasamhanye kutaura zvakanyanya sezvo nguva ichiripo yekuti Dynamos igohwina mukombe wePSL.

“Chikwata chedu chichiri kubikwa poto haisati yaibva iyi. Ichiri kubikwa saka nyatsotarirai pamberi apo pachange pakaipa.

“Mutasa tiri kumupa nguva yake kuti ashande asi panozosvika pamwewo pekuti kana tikasaona kuti hapana shanduko panogona kunetsa ipapo.

“Ega anozviziva kuti kana uchirairidza Dynamos zvii zvinotarisirwa uye akapinda achizviziva,” anodaro.

Apo zvimwe zvikwata zvakadai seNgezi Platinum Stars – iyo yave kurairidzwa naNdiraya – zviri kutungamira murwendo rwekurwira mukombe wePSL, Mubaiwa anoti hapana kwazvinosvika sezvo kuri kutungamira kwetirakita chete.

“Izvo zviri kutungamira hapana kwazviri kuenda nekuti tiri kutevera uye gore rino ndezveduwo, tiri kutoluma,” anodaro Mubaiwa.

Share This:

Sponsored Links