‘Chikiribidi kumashoo bodo’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
VARIMI vokurudzirwa kuti vasaite chikiribidi chekuendesa zvirimwa zvavanenge vatenga kumakwikwi eshoo asi kuti vakwikwidze nezvavanenge varima voga.

Kurudziro iyi yakaitwa naDistrict Agricultural Extension Officer wekuMt Darwin, Mai Betty Chikumbirike, pakugashidzwa kwemubairo kumurimi weko, Mai Joice Jokera, avo vakahwinha mudhudhu zvichitevera kutora kwavakaita nhamba yechipiri kumakwikwi eHarare Agricultural Show gore rapera.

Zimbabwe Agricultural Society (ZAS) ndiyo yakapa mubairo uyu.

“Nyaya yemashoo tinoikurudzira zvakanyanya kuvarimi. Varimi farirai kuratidzira zvamakarima kuti muhwine uye kana matadza kuhwinha musadzokera shure rambai muchishingirira nekuti zvinovaka nyika kupfurikidza nekuvandudzwa kwezvirimwa.

“Asika varimi tisaita chijairira chekusarima mozotenga zvinhu zvekuenda nazvo kushoo.

“Murimi ita chirimwa chako chakanaka nekuti haugoni kuzvigadzirisa pazvinhu zvekubirira uye unozodzidza sei kuti chirimwa chinovandudzwa sei kana ukaita zvekubirira?” vanodaro Mai Chikumbirike.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinopawo kurudziro yekuti vanababa vape vana amai mukana wekurima zvinhu zvavo zveshoo asi hazvisi zvavanamai chete nekuti vanababa munodiwawo kushoo uye kuhwinha kwaamai kana baba kunofadza mhuri yese. Murimi ratidzira zvirimwa zvako zvekushoo pamunda pako.

“Varimi ngavasaita chikiribidi pazvinhu zveshoo nekuti pakuongororwa kwezvirimwa pachidanho chekupedzisira vaongorori havangobvumi vari kuHarare kuti wakunda vamwe vese kana kuti watora chidanho chechipiri kana chechitatu vanoenda pamunda pemurimi voongorora kuti chirimwa kana zvirimwa zvakaenda kushoo ndizvo zviri mumunda memurimi here?”

Mukuru weZAS, VaAnxious Masuka, vanoti zvakakosha kuti varimi vashande pamwe chete nevarimisi vekumatunhu avo.

“Varimi koshesai varimisi mukurima kwenyu nekuti ndivo vanokuudzai marimiro.

“Kuti murimi aite chidanho chekutanga, chechipiri kana chechitatu mumakwikwi emashoo anenge achishanda pamwe chete nemurimisi achiwana ruzivo rwakakwana.

“Varimi ngavasaita kurima kwefembera-fembera,” vanodaro.

Mashoko avo anotsigirwa nasachigaro weZAS VaIvan Craig vachiti kuita mashoo kunobatsira mukuvandudza mhando yezvirimwa.

“Varimi kana muchitamba shoo hamusi kutambira imi pachezvenyu asi muri kutambira nyika nekuti kuvandudza zvirimwa kwamunoita mukugadzirira mashoo kunounzawo goho guru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links