Chikomana choronda matsimba aCde Chinx

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Chikomana choronda  matsimba aCde Chinx

Kwayedza

MUIMBI wemusambo weChimurenga ari kusimukira, Norest Magede Makoni – uyo anove mwana wemukoma waDickson ‘Cde Chinx’ Chingaira Makoni – oronda matsimba ababamudiki vake zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rekutanga rinonzi Mudziva.

Norest, uyo anozivikanwa saMambo Chingaira Makoni munyanya dzemimhanzi, anoti paakatanga aida kutsikisa nziyo dzechitendero asi muimbi ane mukurumbira, Tambaoga, akamukurudzira kuti aimbe musambo weChimurenga.

Dambarefu remuchinda uyu rine nziyo dzakaita saBarrel of Peace iyo akaimba naCde Chinx, Ngorimba remix naMudziva.

Anoti Cde Chinx vakamutendera kuti apote achitora nziyo dzavo odzitsikisa patsva sezvo vachida kuti mhanzi yavo irambe ichiita mukurumbira. “Vakati unobva kumhuri yemuimbi ane mukurumbira akaita saCde Chinx saka zvakawanda zvinotarisirwa kubva kwauri uye ini ndakatora danho iri rekuimba nziyo dzeChimurenga kuti ndisimudzire zita rekwaChingaira.

“Baba vangu Cde Chinx munhu wevanhu akazvipira, vakanditendera kuti ndigoimba dzimwe nziyo dzavo dzavakakwenya kare uye padambarefu rangu rekutanga iri vakatondibatsira kutsikisa,” anodaro.

Muhurukuro naCde Chinx, vanoti vanonzwa kufara zvikuru kuona kuti mumhuri yavo mune mwana ane chishuvo chekusimudzira musambo wavo uyo wavakavatanga kuimba panguva yehondo yekusunungura Zimbabwe.

Cde Chinx vanopa muenzaniso wemushakabvu Simon Chimbetu vachiti mhanzi yake nanhasi ichiri nemukurumbira nekuda kwekuti vana nevanin’ina vake vakatora danho rekusimudzira musambo weDendera.

“Mukomana uyu izvi zvaaita ndinozvitenda zvikuru zvinhu zvandinoyemura zvakanyanyisa, vekwanguwo vave kuteverawo mumatsimba angu.

“Ndinoda chaizvo kuti vemhuri yekwangu vave vanoramba vachisimudzira mhanzi yangu tiitewo musambo wedu wemhuri yekwedu uyo unonzi wakatangiswa naCde Chinx kwete mumwe munhu.

“Mwana wangu mumwe mukomana, Lenny, anoimba zvake aive muchikwata cheSlice International vachiimba mumwe musambowo usiri wangu asi Norest ndiye ave kunditevera. Ndinoshuvira kuti vose vagobatana mune ramangwana vafambe negwara iro ndakatangisa kare,” vanodaro Cde Chinx.

 

Share This:

Sponsored Links