Uncategorized

Chikomba chakanamira pamudzimai wemunhu

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Chikomba chakanamira pamudzimai wemunhu MURUME CHIKOMBA NEMUDZIMAI

Kwayedza

— ‘Ndapfidza, handichazviita futi’

Kingstone Mapupu —
MURUME wekuMabvuku, muHarare — uyo asingabvire mukudanana nevakadzi vevanhu — “akazogadzikwa mudhishi” apo akanamirana nemudzimai wemuridzi pavaisasana kuEpworth, pashure ndokushaya sikarudzi yake zvachose.

Murume uyu haana kana kunyara kuratidza Kwayedza zvasara zvakaita sikarudzi yake apo pangova “ruware”.

Jacob Sibanda (36) anoti anga achidanana naRumbidzai Mhembere (38), uyo anova mudzimai waJohn Chabwino (63) achifunga kuti zvichangopera zvakamunakira.

JACOB SIBANDA

Zvino akazogonekwa apo vaviri ava vakabatikidzwa vakanamirana.

Chabwino, uyo anobvuma kuti akaisa mudzimai wake rukwa, anoti anotoda kuti chikomba ichi chimuripe nemombe 7 kuti zvinhu zvake zvidzokere zvazvagara zviri — “pasina muripo hapana hapana”.

Sibanda — uyo ane mudzimai nemhuri avo vose vanogara kumusha kwake kuHwedza — anotsanangura zvaakasangana nazvo kubva mukudanana nemudzimai wemuridzi.

“Ndakadanana naamai ava (Mhembere) ndisingazive kuti mudzimai wemunhu, tikashinha tose. Ndinonzwa kuti muridzi wemukadzi akazvibata ndokushandisa mishonga yaakapihwa nen’anga (zita rayo tinaro). Handitomboziva kuti zvakafamba sei, kunze kwekuti takazongoona ini nemukadzi uyu tadaro . . . Takawanikidzwa tiripo ipapo pataisasanira.

RUMBIDZAI MHEMBE

“Patakasunungurwa, ndipo pandakaona kuti handisisina sikarudzi, ndangofanana nemukadzi iyeye sezvamuri kungoona izvi,” anodaro Sibanda.

Zvose izvi anoti zvakaitika musi wa17 Chikunguru.

“Ndakaenda kumba kwemukadzi uyu semazuva ose, ndokunopinda muimba yavo yekurara umo takaita zvatagara tichingoita. Asi chakazondinetsa ndechekuti ndakaoona tisisakwanise kuregedzana ndokubva tose tatanga kurwadziwa zvakanyanya. Muridzi wemukadzi akazosvika pamba apa tichingochema, iye ndokungotitarisa. Akazobuda mumba achitisiya tichiyuwira takadaro,” anodaro.

JOHN CHABINO

Anoti Chabwino akazodzoka mushure mechinguvana “apo akatinwisa mushonga waivava zvikuru”.

“Ndipo patakatupfunurana, ini ndokuona ndisisina chinhu. Muridzi wemukadzi akandiudza kuti anoda mombe 7 kuti zvandiri zvipere. Asi dambudziko riripo nderekuti ndine mombe ina chete dziri kumusha saka ndinokumbira kuti dai andidzikisire kusvika pamombe nhatu ndozoisa $340 pamusoro,” anodaro.

Sibanda anoti haasi kukwanisa kuita weti asi tsvina chete uye ave kutyira kuti anogona kufa nekuda kwedambudziko iri.

“Dai murume uyu nen’anga yaakaenda vandinzwisisawo vandiroyonora ndichibvisa mari yemuripo kumuridzi wemudzimai zvishoma nezvishoma.”

Mutori wenhau uno akabvisirwa bhurugwa naSibanda achinzi azvionere kuipa kwakaita nyaya iyi ndokuona chiri chokwadi — pasina chiripo.

Sibanda anoti apfidza zvekuti haafe akapfimba mudzimai wemunhu zvakare.

“Mukadzi wangu ari kumusha kuHwedza, ndakatomumisa kuuya kuno nekutya kuti anozosvikoona mashura aya. Ndinoda kuti azouya ndadzoserwa nhengo dzangu, ndakazvipira kupedza kubhadhara muripo wangu panopera mwedzi waNyamavhuvhu uno,” anodaro.

Mhembere — uyo anogara nemurume wake kwaChinamano Extension, kuOverspill kuEpworth — anotsinhirawo kuti akashinha naSibanda ndokusangana nemashura aya.

“Ichokwadi, ndanga ndava nemwedzi mitatu ndichidanana naSibanda, ndaimuita kunge ndiye murume wangu pazvose. Ndaitsvaga kungosasana bedzi naye murume uyu nekuti baba (Chabwino) havachandigutsa mumba,” anodaro.

Mhembere ane vana 4 naChabwino uye anoti anoda murume wake asi dambudziko riripo nderekusagutswa muimba huru.

“Ndinokumbira ruregerero kumurume wangu nekuvabereki vangu nekuvanyadzisa kwandaita. Ini handina panondirwadza asi murume wandaidanana naye ndiye asisina chaanacho,” anodaro.

Uyu Chabwino anotiwo akanotsvaga rubatsiro kuimwe n’anga uko akanopihwa mushonga wehupfu akanzi anoumwaye mumba make, kusanganisira nepamubhedha.

“Ndainzwa nevanhu kuti mukadzi wangu ane chikomba chaanosasana nacho pamba pedu, ndokusaka ndakaenda kun’anga.”

Chabwino anoti haana kumborwisa vaviri ava kusvika nanhasi.

“Mukadzi wangu ndinomuda, haana kwaanoenda nekuti ndakamugadzira. Asi chikomba ichi chinotofanirwa kundiripa nemombe 7 kuti zvipere. Akangondiripa bedzi zvinopera, anoswera atove murume chaiye akakwana,” anodaro.

Kwayedza yakanoona n’anga inonzi ndiyo yakapa Chabwino mushonga wekusunga mudzimai wake ikabvuma kuti ndiyo yakazviita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey