Uncategorized

chikomba chonamira pamukadzi wemunhu

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
chikomba chonamira  pamukadzi wemunhu Joyce Chitau (kurudyi) naMunyaradzi Maromo (wechipiri kubva kurudyi) vachibuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemusi weChina wadarika. - Mufananidzo: Beauty Muchakazi

Kwayedza

Joyce Chitau (kurudyi) naMunyaradzi Maromo (wechipiri kubva kurudyi) vachibuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemusi weChina wadarika. - Mufananidzo: Beauty Muchakazi

Joyce Chitau (kurudyi) naMunyaradzi Maromo (wechipiri kubva kurudyi) vachibuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemusi weChina wadarika. – Mufananidzo: Beauty Muchakazi

‘Nemurume wake tinozivana’

 ‘Ndinomuponda kana kuzviuraya’

MUDZIMAI wekuChitungwiza — wekuita gumbo mumba, gumbo kunze iye akaroorwa — akazvisikira moto muziso sezvo chikomba chake chiri kuramba kurambwa zvisinei nekuti chinozviziva kuti ane murume uye chinoti zviri nani kuzviuraya kana kuponda mukadzi uyu sezvo pfungwa nemoyo wake zvaperera paari.

Izvi zvakabuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts apo Joyce Chitau (30) akamhan’arira chikomba chake,

Munyaradzi Maromo (37), achida kudzivirirwa sezvo achiti ari kumushungurudza zvose nemurume wake nemwana.
Maromo, uyo aitaura nechiRungu chakadzika-dzika chizere nemashoko erudo sezvemumabhuku eMills & Boon, akapedza nguva yakareba mudare achirumbidza rudo rwaanopihwa naChitau achiti hazviite kuti varambane, kunyangwe zvazvo achizviziva kuti mudzimai wemunhu.

Murume uyu anoti anoshanda sa‘‘agent” wekambani yeEconet.

Chitau akaudza dare kuti akaroorwa zvisinei kuti iye naMaromo vanogara vachisanana kumba kwake uye chikomba chake ichi chinotozivikanwa nemurume wake nemwana.

Chitau anoti haachada kuona Maromo achimushanyira kumba kwake kana kutaura nemwana wake uye kushungurudza murume wake.

“Murume uyu (Maromo) ave kutotyisa nekuti zvisinei nekuti akange achangobva kutambidzwa magwaro ekuti auye kuno kudare nemupurisa nenyaya ino, ari kuramba achinditeverera. Anouya kumba kwangu zuva nezuva achiti ari kutoda kushinha neni. Hapana mazuva ndamuruma zvekuti anotova nevanga achida kushereketa neni zvechisimba kumba kwangu.

“Pamwe pacho anenge achibvunza mwana wangu kwaanodzidza asi ini ndinomuudza kuti mwana wangu haanei naye, ini waari kudanana naye ndini waanofanira kubvunza.

“Anouya achigugudza pamba pangu zvekuti knock yake ndave kuiziva asi ndichimuhwanda,” akadaro Chitau.
Mutongi Lazarus Murendo akabvunza Chitau kana Maromo aida kumubata chibharo.

“Saka zvinoreva here kuti aida kukubata chibharo murume uyu uye kuti haachakwanisi kusiyana newe?” mutongi Murendo akabvunza.

Chitau akapindura achiti: “Aingotaura bedzi kuti anoda kushinha neni, ndiwo mashoko aaingodzokorora kutaura.”
Akaenderera mberi achiti Maromo akatukirira mupurisa akamutambidza magwaro ekuti auye kudare achiti vanodanana.

“Ini ndakafonerwa nemupurisa akamusevha nemagwaro ekuti aidiwa kudare rino achinditi, ‘Nhai ambuya, munhu wenyu akakwana here? Ari kuti ini ndiri chikomba chenyu ndokusaka ndabvuma kutumwa nemapepa aya.’
“Mupurisa uyu ane mamwe mameseji ekutukirirwa kwaakaitwa naMaromo,” akadaro mukadzi uyu. Maromo anoti Chitau aiudza dare nhema.

“Mudzimai uyu ishamwarikadzi yangu. Akandinyengedza kupinda murudo naye achinditi aida kusiyana nemurume wake uyo waaiti munhu asina kuvimbika nekudaro aiti anoda kutanga upenyu hutsva neni. Asi nekufamba kwenguva, akazoramba kuroorwa neni achiti anoda kuramba ari shamwarikadzi yangu bedzi.

“Izvi zvinoratidza kuti mukadzi uyu munyepi mukuru, zvisinei nekuti ndichiri kumuda zvikuru,” akadaro Maromo.
“Mumashoko angu ndinoti ndiri murudo nemukadzi anotyisa, anonyepa asi ndinotenda Mwari kuti nhasi uno dare randipawo mukana wekuti ndinge ndichidurura zvinhu zvanondidzimba muhana mangu kwenguva refu.

“Kana dare rikasandirangira mukadzi uyu, ndinogona kuzvisungirira kana kumuponda nekuti handichakwanisa kumubvisa mupfungwa dzangu. Akatodzitonga ndiye, handichagona kuregedza kumufunga,” akadaro Maromo.
Akati Chitau anogara achimupembedza nekuda kwerudo rwavanopanana.

“Mukadzi uyu anogara achingotaura nezverudo neni, achindipembedza kuti ndinomugonera murudo. Anotaura mashoko makukutu ekutsanangura madiro aanondiita.

“Mambo wangu, mudzimai uyu anogona kuita chose-chose chinoita kuti awane zvaanoda. Handaiziva izvi nekuti ndakange ndakadzimaidzwa nerunako rwake uye maumbirwo ake.

“Anondinyepera kuti ndinoshungurudza murume wake. Nemurume wake takagara tose pasi mushure mekunge andishevedza nenyaya iyi apo akange aona mashoko ataitumirana panhare,” anodaro Maromo.
Anoti Chitau akamutuma kuti ange achiongorora mafambiro emurume wake neshamwarikadzi izvo akaita.

“Ndiri kushungurudzwa nemukadzi uyu zvekuti ndave kuona kuti ndiri munhu akashandiswa naye. Kuita kwake kwatove gomarara guru mumoyo nemundangariro mangu. Zvinogona kuti nditore upenyu hwangu nekuti shamwarikadzi yangu zvino yave kusarudza kudzokerana nemurume wayo anove akazvipirawo pamberi paMwari kuti adurewo zviri mumoyo make kwandiri.”

Maromo anoti murume waChitau akadura kwaari kuti mudzimai wake haana kuvimbika achiti iye akatozosarudza kuitawo shamwarikadzi mushure mekumubatikidza aine chikomba.

Mutongi Murendo akati nyaya yevaviri ava idzoke zvakare kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey