Uncategorized

Chikomba chorambira nemukadzi wemuridzi

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Chikomba chorambira  nemukadzi wemuridzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIKOMBA chekubatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi ndokuripiswa nedare raShe Ngezi, kuMhondoro, chakashamisa vanhu vaivepo apo chakabva chamutora ndokuenda naye zvikaita kuti muridzi wemukadzi asare achibongomora kuchema.

Ishe Ngezi, VaPeter Pasipamire, vanoti nyaya iyi yakasiya vagari vemudunhu ravo vasina neremuromo.

Vanoti Donald Chitambi (24) — uyo anoshanda pane imwe kambani inoita zvezvicherwa uku — ndiye akatorerwa mudzimai wake, Amina Bhurumani (23), nemuvakidzani wake, anovazve shamwari yake, Sheperd Gambanga (24).

“Nomusi wa29 Ndira gore rino, ndakatonga nyaya yaive pakati paDonald Chitambi, uyo akange amhan’ara nyaya yekutorerwa mudzimai wake anonzi Amina Bhurumani (23) neshamwari uye muvakidzani wake, Sheperd Gambanga (24). Saka ndakavadaidza kudare ndichiti nyakutorera mumwe mudzimai uyu amuripe pamhosva yaakapara.

“Asi takatozoshamisika kuona kuti mudzimai uyu akabva aita chiname nechikomba chiye vachiti vatove murume nemukadzi. Apa ndipo Chitambi akasara achisvimha musodzi achichema padare mudzimai aenda,” vanodaro.

Pakutonga kwavakaita nyaya iyi, vanodaro Ishe Ngezi, vakati Gambanga anofanira kuripa Chitambi nemombe nhatu nembudzi imwe chete.

“Gambanga akange auya natete vake asi vaipokana nenyaya yekuti atore mudzimai wemunhu zvachose, vaida kuti aripe nekudzorera mudzimai wemunhu. Saka nekuda kwenharo, pakapedza kutongwa nyaya iyi Gambanga akabva ati hutu nemudzimai wemuridzi nemotokari yake zvekuti tete vacho vakatenge vatosiiwa akatozovadzokera.

“Mudzimai uyu akati haachada murume wake achiti akatozviwanira murume we‘class’ yake. Saka pavakaenda, Chitambi akasara achizhamba uye veruzhinji vakakahadziswa nazvo,” vanodaro ishe ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nyaya dzekutorerana vakadzi dzawanda zvikuru munzvimbo mangu. Pasvondo ndinotonga nyaya dzinodarika ina dzine chekuita nekutorerana vakadzi.”

Mune imwewo nyaya yavakatonga, Ishe Ngezi vanoti mudzimai wemudunhu mavo akatiza murume achienda nechikomba kumusha kwacho kuZvishavane uko akanoita zvechiroora.

Gure iri rinonzi rakazofumurwa nemavhidhiyo aitorwa mudzimai uyu apo aiita chiroora ayo aive munhare yake.

Nhare iyi yakazoonekwa nemurume wake mushure mekunge mukadzi uyu adzoka kubva kumusha kwechikomba chake.

“Murume wemudunhu mangu anonzi Urayayi Mahohoma (36) ndiye akatora mudzimai waRueben Masanga (23) anonzi Agnes Matariri (20) achibva aenda naye kumusha kwake kuZvishavane uko akanotamba chiroora vanhu vachitora mavhidhiyo. Mudzimai uyu anonzi akange anyepera murume wake kuti vari kuenda kumusangano wechechi kwaMataga, kuMberengwa.

“Gure rakazofumurwa mushure mekunge murume aona mavhidhiyo emudzimai wake achitamba chiroora zvikaita kuti nyaya iyi igumisire yave kudare rangu,” vanodaro Ishe Ngezi.

Vanoti vakapa mutongo wekuti Mahohoma aripe Masanga nemombe nhatu uye vakamushora zvikuru kuti akazviita achiziva kuti Matariri aive mudzimai wemunhu.

Ishe Ngezi vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya dzekutorerana madzimai kana varume vachiti dzinoparadza mhuri, kukonzera kurwisana kwevanhu nekupararira kwezvirwere.

Share This:

Sponsored Links