chikoro chava njodzi

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
chikoro chava njodzi VaAleck Kamupini

Kwayedza

l Vana, maticha votya kufiramo
l Dzimba dzapera nemuchenje

CHIKORO cheChitindiva Primary School, kuHurungwe, chiri kutsvaga rubatsiro rwekuvandudza zvivakwa zvinosanganisira dzimba dzekudzidzira nedzinogara varairidzi sezvo dziri dzapera kun’en’enwa nemuchenje.Dzimba dzine chitsama pachikoro apa dzava njodzi kuvana nevadzidzisi sezvo dzichigona kudhirika chero nguva.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira chikoro ichi pamwe chete nenhengo dzesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) neveCarbonGreen Africa ndokuona kuti dzimba dziri kudzidzira vana angova makomba-makomba apowo matenga acho mapuranga akadyiwa nemuchenje.

Zvimbuzi zvepachikoro apa zvizhinji zvacho zvatove njodzi kuvana sezvo zviri kudhirikira nechemukati, kusanganisira izvo zvinoshandiswa nevana vakaremara mitezo. Vamwe vadzidzisi vakakurukurwa navo neKwayedza, avo vakaramba kuti mazita avo aburitswe, vanoti upenyu hwavo nehwevana huri panjodzi nekuda kwemamiriro akaita zvivakwa zvepachikoro chavo.

“Tinongotenda Mwari kuti tichiri vapenyu nekuti pane ipi zvayo nguva zvivakwa izvi zvinogona kungodhirika. Kana ukasiya mbatya dziri pasi uchienda kunofundisa vana unodzoka dzatomunywa nemajuru.

VaAleck Kamupini

VaAleck Kamupini

2707-3-1-ALECK KAMUPINI - CHITINDIVA SCHOOL HEAD

“Nyoka nemadzvinyu zvinogona kupinda mudzimba dzatinorara nekuti dzakatsemuka zvakanyanya zvekuti unotoona munhu ari panze achipfuura iwe urere mumba. Kutaura chokwadi dzimba nemakirasi atinofundisira hazvikodzere kushandiswa nevanhu,” akadaro mumwe mudzidzisi. Mukuru wechikoro ichi, VaAleck Kamupini, vanoti zvinorwadza zvikuru kuti varairidzi vari kushandira mudzimba dzave pedyo kudhirika.

“Tiri kuchema kuHurumende nevamwe vatsigiri kuti vatibatsirewo mukuvaka chikoro chedu nekuti chasakara uye chachembera. Asi dzidzo inofanira kuenderera mberi.

“Madziro echikoro nedzimba dzevarairidzi zvapera kutsemuka zvekuti kana mvura ikanaya pasina chagadzirwa, tinoona pachimuka dambudziko guru,” vanodaro VaKamupini.

Mashoko avo anotsinhirwa nemutevedzeri wavo, Mai Govera Muganyi, vachiti panotoda mushandirapamwe wevabereki nevatsigiri vakazvipira mukuvandudza chikoro ichi.

Zvisinei, vanoti chikoro chavo chiri kubudirirawo munyaya dzedzidzo, mitambo yechinyakare nenhabvu.

“Mugore ra2013, takatarisa zvidzidzo zvose, vana veGrade 7 avo vakabuda nemaUnits matanhatu zvichidzika vaive nechikamu che11%, 2014 vakaenda pa11% zvakare kuchizoti 2015 vakakwira kuenda pa36,3%,” vanodaro.

Sachigaro weSchool Development Committee, VaSpenser Mugadami, vanoti chishuwo chavo chekuti vabatsirwe mukuvandudza zvivakwa izvi.

“Chikoro chino chine nyanzvi munyaya dzemitambo yenhabvu uye varairidzi varipo vane shungu dzekusimudzira dzidzo. Huwandu hwevarairidzi huri kuwedzera asi dambudziko riripo nderekushomeka kwedzimba dzavanogara zvekuti vamwe vari kugara vakawanda mukamuri imwe uye dzimba dzacho dzakasakara.

“Vabereki vari muno varombo zvekuti vamwe vana vepano vatove nemakore vasingabhadhare mari dzechikoro zvinova zviri kuderedza budiriro yechikoro chino,” vanodaro.

Vanoti vane tarisiro yekuvaka Culture Centre pachikoro ichi senzira yekusimudzira zvidzidzo zvetsika nemagariro.

 

Share This:

Sponsored Links