Chikosoro, shuga, tb hochekoche

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

cathrineCHIRWERE cheshuga nechikosoro cheTB zvakaonekwa kuti zvine kudyidzana.

Zviviri izvi zvikasarapwa nekukasika nekutorwa sezvinhu zvine ngozi tingawanikwe tasvika pamakore ekuma 1990 apo HIV neTB zvakashura mare.

HIV/TB yakanetsa zvekuti Hurumende yakazotora zvirwere izvi sezvaifanirwa kurapwa nechimbi-chimbi inonzi pachiRungu ‘emergency’.

Diabetes Mellitus (DM) chirwere cheshuga chinokonzera kuti muviri neropa zvishaye simba sezvinoitawo HIV kuti simba rekurwisa zvirwere rinenge radzikira.

Vanhu vakawanda mazuva ano vave kuti handizivi kuti chakatanga chii asi ndiri kurapwa DM neTB. Kune vamwe vanenge vatori neHIV pakare zvekuti munhu anenge orapwa DM, TB, HIV uyewo chimwe chikamu chinenge chabatwa kuti ropa riri kupombwa zvine simba rakawandisa inonzi pachiRungu high blood pressure.

Munhu anopedzisira orapwa zvirwere zvose izvi panguva imwe chete uye shuga, HIV neBP zvinorapwa kweupenyu hwese.

Chinorapwa chichizotariswa kuti chapera iTB uye chikosoro ichi munhu anorapwa kwemwedzi mitanhatu oongororwa kuti hapasisina here kusaririra utachiona hunokonzera TB. Munhu anotorwa X-ray iyo anovhenekwa kuti chokwadi anaya here.

Chiremba mukuru mukanzuru yeguta reHarare Dr Prosper Chonzi vanoti harisi dambudziko guru kuti munhu abatwa shuga uye ane TB. Izvi zvirwere zvavanorapa pamwe chete kazhinji munhu achibva hake kumba.

“Hongu tiri kuona kuti vamwe vanhu vari kurapwa chikosoro cheTB vari kubatwa chirwere cheshuga zvakare. Iri harisi dambudziko guru, tinorapa zvirwere zvose panguva imwe chete uye munhu anorapwa achibva kumba kazhinji. Kana mumwewo angave aine blood pressure yakakwira izvi zvinorapika nguva imwe chete pasina dambudziko. Murwere anofanira chete kutevedzera zvakatarwa nekuti matambudziko mazhinji anobva pakuti munhu anenge atsaudzira. Munhu anorarama neutachiona hweHIV anorapwa zvakare pasina dambudziko,” vakadaro Dr Chonzi.

Sangano repasi rose rehutano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti mugore ra2013 vanhu vanosvika 382 miriyoni vaive nechirwere cheshuga (DM) uye vanogona kuwanda kusvika 552 miriyoni mugore ra2030.

Zvakaonekwa kuti njodzi yekuti munhu aite TB inopetwa kana aine chirwere cheshuga.

“TB inorapwa ichipera kana murwere akatevedzera zvakatarwa. Akange achinwa mishonga achimborega ndipo panozoita kuti chikosoro chisapere choramba kudaira mishonga yatinoti pachiRungu ‘multi-drug resistance TB’. Apa kunenge kwava kushandiswa mishonga ine simba rakawedzerwa saka murwere weTB anokurudzirwa kutevedzera zvakatarwa kuti pasave nedambudziko iri,” vakadaro Dr Chonzi.

Takatarisa zvirwere zvataurwa zvose munhau iyi, tinoona kuti chinorapika chichipera chikosoro cheTB chete. Shuga, HIV/AIDS nehigh blood pressure zvinorapwa kweupenyu hwose. Munhu anonwa mapiritsi ekuti zvidzikire asi hazvinzi zvarapika zvapera.

Apa ndipo panowanikwa dambudziko nekuti munhu kana onzwa kuti ave nani asimba anoti ndanaya orega nekuti anenge aneta nekunwa mapiritsi.

“Murwere anofanira kuva nemunhu anomukurudzira kunwa mapiritsi. Tinoona kuti akanwa akasimba anogona kuregera kunwa achiti ndapora asi izvi zvisirizvo. Mapiritsi ehigh blood pressure, eshuga uye emaARV anonwiwa kwehupenyu hwese kunyangwe munhu asimba. Izvi hazvirapike zvichinzi zvapera asi kuti zvinotsimbirirwa kuti zvishaye simba chete munhu osimba pakare,” vakadaro Dr Chonzi.

Chiri mumusakasaka chinozvinzwira. Usaite mutemarege nemapiritsi eshuga, maARV kana ehigh blood pressure.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links