Uncategorized

chikwama chakanamira muruwoko rwetsotsi

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
chikwama  chakanamira muruwoko  rwetsotsi

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MBAVHA yemakoko inogara kuEpworth yakazoigochera pautsi apo yakaba chikwama chainge chakashinhirirwa nemishonga, icho chakazoita chipo chemaawa matatu chakanamira muruwoko rwayo chichiramba kubva.

Muchinda wechidiki “anoraura” zvikwama uyu —uyo anobva kwaMudhindo, kuGuruve — akapfidziswa nemusi weSvondo wadarika apo akabira sekuru vake chikwama chaive nemari, sezvaagara achiita, icho chakabva chanamira muruwoko rwake.

Talent Zuze (27) — uyo anogara nasekuru vake VaWillard Joseph (43) kuStopover – akazotambura nechikwama chasekuru ava icho ainge aba chiine $300 mukati apo chakaita chiname muruwoko rwake.

RUOKO RWAKANAMIRA CHIKWAMA

“Chikwama chasekuru chandakaba chakanamira muruwoko rwangu rwerudyi ndikapotsa ndazvikwachura chanza ndichida kuchibvisa. Ndagara ndichibira sekuru vangu mari izvo zvakakonzera kuti ambuya, mudzimai wavo, arambwe achinzi ndiye aivabira mari,” anodaro Zuze.

Anoti semunhu ajaira kuba mari, akatora mukana wekuti musi uyu sekuri vake vakanga vabuda mumba vachinogeza — iye ndokusara achisecha homwe dzembatya dzavo, umo akaita mahwekwe nechikwama chaive nemari.

“Chikwama ichi chaiva ne$300, ini ndikati midzimu yangu yandiona — ndokuchitora. Nhamo yakazouya apo ndakaedza kubuda nacho mumba ndichida kubva ndarova ‘matachi’ asi ndakatadza.

“Sekuru vakasvika kupedza kugeza vakandiwana ndakagara pamubhedha muimba yavo yekurara, ndakawudyura maziso ndichichema. Apa chikwana chairamba kubva muruwoko rwangu uye chaiita sechaindiruma-ruma,” anodaro Zuze achiti zvekuba haachada.

Anoenderera mberi: “Sekuru vakapinda vakawana ndichisvimha misodzi ndakangodzvokora chikwama chavo chaiva chakanamira muruwoko rwangu. Vakangonditi, ‘Nyambisirwa ndiwe waindibira nhai? Ndikasvika kudzinga mukadzi wangu . . .’ vachibva vanyarara.”

Sekuru ava, anodaro Zuze, vakazoenda naye kune imwe n’anga iri muHarare (zita rayo tinaro) vakamumonera ruwoko rwake nejira kuti vanhu vasaone mashura aya.

“Takanosvika kwasekuru ava, apo ndakasvikongomwaiwa mvura yaiva nemushonga chikwama chiya chichibva chadonhera pasi,” anodaro Zuze.

Anoti haambofa akaba zvakare nekuti akazvionera pamhuno sefodya.

“Ndakadzidza kuti usatore chinhu chisiri chako uye kana usina, kumbira. Kuba chipo chakaipa zvikuru. Ndasvika kun’anga iyi ndinonzi ndakabuda shavi rehumbavha, iro ndinonzi ndakaturikwa nehama.

“Asi chinonetsa, ndikaba handikwanise kudya mari yakawanda, ndinogona kushandisa $1 chete imwe yose ndinoishaya kuti yaenda kupi – kunyanya ndikaenda kubhawa. Handizive kuti inodonha here kana kuti inobiwa.”

Zuze anoti ari kunyara zvikuru nezvaakaitira sekuru vake nekuti ndivo chete vanogona kumuchengeta sezvo vabereki vake vakafa.

“Sekuru ava ihanzvadzi yaamai vangu, ndivo vanondichengeta uye handina kwekuenda. Ambuya vakaenda pamusaka pehumbavha hwangu, ndichavakumbira hangu ruregerero kana vari vadzokerana nasekuru,” anodaro.

VaJoseph vanotsinhira nyaya iyi vachiti vange vanzwa nekubirwa.

“Mufunge muzukuru uyu ndakanomutora kumusha atambura nenhamo. Asi kubva paakauya, ndakatanga kubirwa mari ndikafunga kuti aiva mudzimai wangu uyo ndakatodzinga nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakazoenda kuimwe n’anga uko ndakanobatsirwa nemishonga zvakazoita kuti chikwama ichi chinamire muruwoko rwake asi handaiziva kuti ndiye aindibira,” vanodaro. Vanoti mushonga wavakapihwa nen’anga iyi vakaumwaya mudzimba, panhumbi nepachikwama chavo.

“Pandakapihwa mushonga uyu, ndakanzi mangwana chaiye unobata munhu ari kukubira apo ndakawana ari muzukuru wangu zvikandirwadza. Mari yaakandibira inokwanisa kusvika kana $2 000 chaiyo ndikaisanganisa.”

Share This:

Sponsored Links