Uncategorized

Chikwambo chony’udza zvikepe muKariba

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Chikwambo chony’udza zvikepe muKariba

Kwayedza

Given Siakanoka ari kuKARIBA —
VAGARI vekuKariba, kudunhu reMashonaland West, havana neremuromo zvichitevera nyaya yekubatwa kwakaitwa chikwambo chaive nemusoro wegarwe – icho chinonzi chaikonzeresa tsaona dzekupidiguka kwezvikepe nekufa kwemunhu mwedzi woga-woga panzvimbo inobatwa hove yeMusamba Fishing Camp iri muLake Kariba.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi panzvimbo iyi – iyo inorura zvikara zvesango nemakarwe – panoitika tsaona mwedzi woga-woga kwemakore akawanda izvo zvinokahadzisa vagari veko.

Sachigaro wemunzvimbo iyi, VaBernard Jeke – avo vanozivikanwa nezita rekuti Mudhara Binga – vanonzi vakazoronga kukoka mumwe muporofita mushure mekunge kwadyiwa mukomana anonzi William Bonde negarwe.

Muporofita akatorwa uyu ndewerudzi rwechiTonga – Savrinos “Mwanabanene” Siachamwaika – uye mukuporofita kwaakaita anonzi akabata mumwe musharukwa weko (zita rake tinaro) achinzi ndiye anokonzeresa tsaona dzezvikepe nekufa kwevanhu.

Siachamwaika anonzi akati musharukwa uyu ane chikwambo chemusoro wegarwe icho chinokudubura zvikepe uye chichizotora mari yevanhu vanenge vawira mumvura.

Zvinonzi pakambouya mumwe Tsikamutanda anonzi Dhumba achida kubvisa chikwambo ichi asi paakapinda mumba yemusharukwa uyu, akaita chadzimira ndokushaya musiwo wekubuda nawo zvekuti muridzi wemba ndiye akatozomununura kuti abudemo.

Mushure maDhumba, kwakazouya zvakare mumwe muporofita anonzi uyo anonziwo akabuda pachena kuti akakundikana kutora chikwambo ichi achiti zviri pamusha apa zvikukutu.

Zvisinei, Siachamwaika – uyo anotungamirira chechi yeRuponiso – anonzi akazokwanisa kubata chikwambo chemusoro wegarwe ichi ndokuvimbisa kuti kana muridzi wacho akazobata mishonga yakaipa zvakare, anobva afa.

Muridzi wechikwambo ichi, uyo anobva kuMalawi, anonzi haana kuterera yambiro iyi zvikaita kuti atange kushandisa mishonga yekushereketa zvakare.

Anonzi akaenda panzvimbo yaaigezera nekuchera mvura mazuva ose, apo aiwanzogeza akapfeka magamubutsu.

Paakangonyika makumbo ake mumvura, anonzi akabva abatwa negarwe, asi harina kumudya ndokumuregera.

Chiri kushamisa vagari vekuKariba ndechekuti kubvira pakabatwa chiri kunzi chikwambo chemusoro wegarwe ichi, dambudziko rekuny’ura kwezvikepe paMusamba Fishing Camp rakabva ramira.

Share This:

Sponsored Links