Chikwata chakabura dambarefu

17 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Chikwata chakabura dambarefu

Kwayedza

CHIKWATA cheAlcoz Disciples, icho chiri pasi pesangano reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe, chakabura dambarefu rinokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze nharaunda kuburikidza nekusatema miti pamwe nekuita zvimwe zvinokonzera gukuravhu.

Mutungamiriri wechikwata ichi, Muzvare Loveness Mainato, anoti dambarefu ravo rechipiri iri rinonzi “Mirira Nguva” rine kambo kanokurudzira kuchengetedzwa kwenharauda kanonzi ‘Who is prodigal’.

“Mukambo aka tiri kukurudzira veruzhinji kuti vachengetedze zvose zvatakapihwa naIshe zvinosanganisira miti nezvicherwa. Tiri kuyambirawo kune vaya vari kuvhima mhuka kana kuchera zvicherwa zvisiri pamutemo kuti varegedze sezvo zvirizvo zviri kuuraya nyika uye hupfumi hwedu hunenge huchiparadzwa.

“Takanyora kambo aka tiine mubvunzo mukuru wekuti ari kunyatsokonzeresa kuparadzwa kwenharaunda ndiyani tikati zvose tinozvisiira kuvateereri sezvo vari ivo varidzi venharaunda,” akadaro.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira dzinoti Mirira nguva, Fambai naye, Ndivhenekerei naWhere is He?

“Pakambo kanonzi Mirira nguva tiri kukurudzira veruzhinji kuti ngatimirirei nguva yaMwari sezvo vamwe vedu vava kupedzisira vatsvaga mishonga kuti zvinhu zvikasire kuvafambira. Pane kanonzi ‘Where is He?’ tine mubvunzo zvakare kuti variko here chokwandi Mwari sezvo varivo vanotipedzera matambudziko edu ese,” akadaro Muzvare Mainato.

Akati shuviro yake ndeyekuti chikwata chavo chienderera mberi nekuimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>