Chikwata cheDavies Cup chakadadisa

18 Sep, 2014 - 18:09 0 Views
Chikwata cheDavies Cup chakadadisa

Kwayedza

SANGANO reSports and Recreation Commission rakakorokotedza chikwata chetenesi cheDavies Cup nekubudirira kwachakaita kufambira mberi kupinda muboka reGroup II Euro/Africa Zone mushure mekukunda Namibia mutambo wakatambirwa kuCairo, kuEgypt svondo radarika.
Zimbabwe yange yave nemakore akawanda ichikundikana mumutambo uyu. Yakange iri muboka rekutanga umo maive nenyika dzinoti Congo, Nigeria pamwe neMadagascar uye yakakwanisa kuhwina mitambo yayo yese ndokuzokunda Namibia musemi-fainari iyo yaive muboka rechipiri 2-0.

Mumitambo inotevera, Zimbabwe ichange yave kukwanisa kutamba nezvikwata zvekunyika dzinoti Belarus, Bosnia-Herzegovina, Finland, Luxembourg pamwe neSouth Africa.

Zvakadaro, SRC inoti zvakakosha kuti vakotsveri vapindire vabatsire chikwata ichi zvichitevera kukunda kwachakaita.

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa anoti: “Basa rakabatwa nechikwata cheDavies rinodadisa uye tinofara nekusimudza mureza wenyika kwavakaita.

“Tinovatsigira zvikuru uye isu tiri kukurudzira masangano akasiyana kuti ngavachitange kudira mari nekuti mutambo uyu wazopfumbira.

“Zimbabwe tadzoka muEuro/Africa Zone izvo zvinova zvinhu zvinofadza zvikuru saka zvinoda kuti tibatane chikwata chedu chifambire mberi mumutambo uyu,” akadaro Nheweyembwa.

Zimbabwe yainge yakamirirwa nevatambi vanoti Takanyi Garanganga, Benjamin Lock, Martin Dzuwa, Tinotenda Chanakaira pamwe naMark Fynn.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey