Chikwata chevasungwa chokurumbira

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Chikwata chevasungwa chokurumbira

Kwayedza

Arnold Kaseke
CHIMWE chikwata chine nhengo dzinosanganisira vaimbove vasungwa pamwe nevamwe vachiri mumajeri choita zvinorova munyaya dzemimhanzi.
Chikwata ichi cheTehila Worshipers chakabura dambarefu idzva nguva pfupi yadarika rinonzi Shungu.Mukuru wechikwata ichi, Mike Mhira Matema, uyo akambosungwa ndokuendeswa kujeri mushure mekubatwa nemhosva dzinosanganisira kuba motokari pamwe nekuba achishandisa pfuti, anoti chikwata chavo chine tarenda rakakomba.

Murume uyu, uyo akabuditswa mujeri gore rapera mushure mekugaramo kwemakore 10, anoti upenyu hwake hwakashanduka ave mugore rechishanu ari musungwa kuChikurubi Farm apo akatendeuka ndokutanga kuimba nziyo dzechitendero.

“Ini muchindiona kudai ndakange ndiri mutadzi chaiye. Ndakasungwa ndikatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi uye ndakazotendeuka ndave mujeri. “Iye zvino ndiri mumwe wechikwata cheTehila Worshipers chine vaimbi vari mujeri pamwe chete nevamwe vakabuda. Vakawanda vanotoshamisika kuona vasungwa vachiimba nziyo dzekurumbidza Mwari kudai. Vanhu havanzwisisi kuti munhu anokwanisa kusiya mabasa akashata, kunyangwe akashata sei mabasa acho,” akadaro.

Anoti pavakatanga kuimba vari kujeri magadhijeri akambofunga kuti vaiita zvemusindo.”“Patakatanga kuimba magadhijeri aifunga kuti tiri kuda kuita zvemusindo.Takafunga zvekutanga chikwata chaizoenda chichinoimba kumakereke ainge ari pedyo nekuChikurubi Farm uye tose takatanga tiri chikwata chevasungwa vanonzi maHigh Risk Criminals zvinoreva kuti taive vaye vanonyanya kutariswa pane vasungwa vese nekuti tainge takapara mhosva huru kwazvo.”

Zvakadaro, anoti mumwe mukuru wemagadhijeri ndiye akazovabatsira kuti zvavaida kuita zvibudirire.

“Mumwe mukuru wemagadhijeri ndiye akazoona kuti taive tiri pachokwadi pane zvataida kuita ndokuvimba nesu.

Ndiye akazozvipira kufamba nesu tichienda kunoimba kumakereke ainge ari pedyo nekujeri kwataive. Nyaya iyi yakaendeswa kune vakuru takazobvumirwa kuti tipote tichiendeswa kumakereke tichinoimba,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links