Chikwata chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Chikwata chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHIKWATA chevechidiki vari kusimukira mumusambo weZim-dancehall chekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa chotsvaga rubatsiro rwekutsikisa mhanzi yacho uye nekuti chikwanise kunge chiiita mashoo kunzvimbo dzakasiyana.

Chikwata ichi cheKingy Nice chinotungamirirwa naNoel Chabikwa (22) uye chine nhengo nhanhatu. Dzimwe nhengo dzechikwata ichi dzinoti Luckmore Mhiti anova programmes officer, Tafadzwa Maisela anova maneja nemutevedzeri wake Kennedy Rapella, kouya Trust Marumisa naDavid Mazhoro.

Chikwata ichi chakaumbwa mugore ra2013 asi chiri kusangana nedambudziko rekushaikwa kwemari yekusimudzira mabasa acho.

“Ini ndini ndinonyora nziyo muchikwata chedu asi handirambidze vamwe vanoda kunyorawo. Mukatarisa nziyo dzangu dzandakanyora ndedzenhamo zhinji dzacho kuburikidza nekuti ndakashaikirwa naamai vangu ndiine makore maviri okuberekwa saka zvinondibata zvikuru,” anodaro Chabikwa.

Dambarefu ravo rekutanga rakaburwa mugore ra2015 rinonzi Kushandira Mahara uye rine nziyo 12.

“Tine dambarefu rimwe chete idzva iro takabura risina kushambadzwa zvakanaka nekuda kwekushaya mari. Imwe nyaya, tinodawo zvekuridzisa nemari yekuti tikwanisewo kubhuka mashoo nekutsikisa mamwe madambarefu edu matsva andakanyora kare,” anodaro Chabikwa.

Anoti chikwata chavo chinoshevedzwa kumakungano munzvimbo yekwaMurehwa kwakadai semuzvikoro nekumichato uko vanotendwa nezvinhu zvidiki zvakaita sehuku, mbudzi kana nemari shoma zvikuru.

“Takatarisawo chipo chedu tikaona chiri pakuimba ndokuvamba chikwata chedu ichi saka tinokumbirawo kubatsirwa kunyange nemazano chaiwo,” anodaro Chabikwa.

Kune vanoda kubatsira chikwata ichi nezvakasiyana vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0771 645 133 votaura naChabikwa

Share This:

Sponsored Links