‘Chikwereti chandiremera, ndatova kuita chipfambi’

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
‘Chikwereti chandiremera, ndatova kuita chipfambi’

Kwayedza

KUTORA mari yechimbadzo kwakaparira mumwe mukadzi uyo akapedzisira oenda kumabhawa kunoita mabasa echipfambi nechinangwa chekuti adzosere mari iyi.
Sekai Chikwaka akaudza dare reHarare Civil Court kuti hapana rimwe bhindauko raaikwanisa kuita kuti adzosere $250 yaBonnie Shongedza, iyo akakwereteswa nechimbadzo, kunze kwekuita zvechipfambi.

Shongedza aive aendesa Chikwaka kudare achida mari yake.

“Changamire, amai ava ndakavapa mari yechimbadzo asi nanhasi havasati vandidzosera mari yangu. Chazoita kuti ndiuye kudare ndechekuti nguva yacho yarebesa vachingonzvenga nzvenga uye ndave kuita kunge munhu akashata nekuramba ndichingovabvunza mari yangu,” akadaro Shongedza.

Chikwaka akati vari kutadza kunzwana pamabhadhariro semunhu anowana mari shoma pabasa rechipfambi raanoita.

Akati: “Ishe wangu, mari yavo ndovapa, izvozvi handisi kushanda basa rinonyatsondipa mari svinu pamwedzi.

Pandakamboda kuvapa mari yacho nguva yandaishanda vakairamwa ndikatofunga kuti zvavharana asi izvozvi vave kundishungurudza ini ndichitozvitamburira. Ndave kutopinda mubhawa kuti ndiwane mari yavo.

“Ndine vana vaviri vari kusekondari vanoda mari yechikoro nechikafu uyewo ndinobhadhara rendi, mari yose iyoyi inobva kubhawa nekuti handina murume. Hapana pandinombokecha zvekubata mari yakawanda kudaro kuti ndivape yese kamwe chete.”

Shongedza akabva amugamha achiti: “Kupera kwegore kwaita kure nekuti mari iyi ndeyekare uye ndinotya kuti anogona kutiza chero nguva nekuti anoroja. Kana iri nyaya yekuti anowana kupi mari ndezvake, haisi mhosva yangu.
“Akakwereta achiziva kuti anoiwana saka ngaandipe.”

Mutongi Audrey Tarugarira akati Chikwaka abhadhare Shongedza $250 yake musi wa31 Zvita gore rino usati wadarika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey