Uncategorized

Chimukuyu Chenyama Yevanhu Chakabva Zaka – zinatha

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
Chimukuyu Chenyama Yevanhu  Chakabva Zaka – zinatha VaGeorge Kandiero

Kwayedza

‘N’anga ngadzipe umboo mumatare’
Muchaneta Chimuka
SANGANO rinomiririra n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), rinoti kusasikwa kwenyama yevanhu nevaroyi ichiitwa chimukuyu kwakatangira kuZaka. Mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti vakaita ongororo nguva yadarika pamusoro pehuroyi nechinangwa chekuda kuziva zvimwe zvakavandika pamusoro pemabasa akaipa aya zvikaonekwa kuti kudunhu reZaka, kuMasvingo, ndiko kwakatangira tsika yekuita chimukuyu chenyama yevanhu.

“Paongororo yatakaita pamazuva ataiita zvidzidzo zvehurapi seZinatha, takaona kuti tsika dzekusasikwa kwenyama dzevanhu nevaroyi vachidziita chimukuyu yakatangira kuZaka zvikazotekeshera kune dzimwe nzvimbo.

‘‘Taiona nyama dzevanhu dzakaiswa mutsero apowo kune dzimwe nzvimbo dzichiiswa mumafiriji,” vanodaro VaKandiero.
Ongororo iyi vanoti vakaiita vachishanda nemushakabvu Professor Gordon Chavhunduka, avo vaimbove mutungamiriri weZinatha.
VaKandiero vanoti varoyi variko uye vanowanikwa kunyika dzose, kusanganisira dzevachena.

“Huroyi huriko asi hunosiyana nenzvimbo. Vamwe vanofarira kudya nyama dzevanhu dzakaomeswa, vamwe vanonwa ropa revanhu vopedzisira vave kunzi maSatanist asi vari varoyi.

“Vamwewo vanoiisa nyama yacho mufiriji mune dzimwe nyama dzemhuka voidya iri nyoro uye hapana anokwanisa kuona kusiyana kwenyama yevanhu neyemhuka kana dzichinge dzasangana kunze kwevaroyi vacho bedzi.

“Kunyangwe vaRungu variko vanoroya. Vanoitawo tsika dzavo, kuvhura makuva nekuuraya vanhu vachidya nyama.”
VaKandiyero vanoti kune nhengo dzemuviri idzo varoyi vanogovana zvichienderana nezera remunhu, uye “kutapira”.

“Dzimwe nhengo dzemuviri senzeve, mawoko, musoro nesikarudzi zvinodyiwa nevanhu vakura. Asi zvimwe zvacho zvichizoshandiswa mukugadzira mishonga inoshandiswa mukuroya — sekuvhura makuva nezvimwe.

“Varoyi vanoita zvakare majana ekuuraya vanhu saka rinetenge riri basa-basa kuti kana chijana chava chako utoita basa iroro uye kukundikana kwako unourairwa mwana kana murume semuripo wenyama yekune rimwe dzinza yaunenge wakadya” anodaro mukuru wen’anga uyu.

Zinatha, vanodaro VaKandiyero, iri kukumbira Hurumende kuti ibvumidzwe kubatsira mumatare edzimhosva mukuburitsa umboo hwekuroya panyaya idzo vanhu vanenge vachipumhana kana kunangana huroyi.

VaKandiyero vanoti: “Chinotirwadza ndechekuti zvisinei nekuti nyaya dzekuroya dziri kubvumwa kuti dziriko pamutemo, asi hakusati kwava kana nenyaya imwe chete apo munhu anoroya akasungwa achinovharirwa. Chikonzero ndechekuti vatongi vekumatare edzimhosva vari kushaya umboo.

“Isu seZinatha tine magodobori anogona kubatsirana nevatongi mukuita ongororo yekuti vawane umboo uhu.
‘‘Kunyangwe vanhu vakabvuma kuti vanoroya, matare edzimhosva anongoti vavhenekwe pfungwa achifunga kuti vanenge vachipenga nyambisirwa chinetenge chiri chokwadi. Tinoda kuti varoyi vasungwe nekuti variko uye vari kushaisa vanhu rugare. “Kunyangwe dzimwe n’anga dziya dzinoita kuti vanhu kana vachinge vaba vapenge kana kuremara dzakangofanana nevaroyi, vanofanirwa kusungwa.”

VaKandiero vanoti kuti umboo hwekuti munhu anoroya hubude, panofanirwa kuve nekunyorwa patsva kwemutemo anotsanangura kuti huroyi hwacho hunofambiswa sei nemhando dzahwo dzose kuitira kuti matare edzimhosva agone kutonga nyaya dzakadai.

“Tinavo varoyi vari kubuda pachena asi kana pasina zvinyorwa zvinozopasiswa neHurumende, richaramba riri dambudziko kuti paonekwe kuti muroyi ndouyu uye asiri ndouyu.

‘‘Nyanzvi dzinenge dzasarudzwa kuti dzine ruzivo rwakakwana nezvekuroya dzinogona kuzomira mumatare edzimhosva dzichipa umboo kana pachinge paita dambudziko rekupumhana huroyi,” vanodaro.

Vanoti veruzhinji vanofanira kubvuma kana kutambira zvinhu zvechokwadi zviri kuitika muupenyu hwavo izvo zvinosanganisira nyaya dzehuroyi.

“Zvimwe chetezvo nezvinoitwa kana munhu achinge achinzi anorwara nepfungwa, anoenda kunovhenekwa nemachiremba kuchipatara achitumwa izvi nedare kuti zvive neumboo. Ko, rusarura rwunozobva kupi kana pachinge paita muroyi nesvikiro rine umboo hunoratidza kuti munhu anoroya sei?

“Matare edzimhosva anofanira kushandisa umboo ihwohwo.
‘‘Tiri kutoumba makomiti enyanzvi dzinoziva nezvekuroya kuti vanopinda mumatare edzimhosva vachibatsirana nemagweta mukupa umboo huzere.”

Munguva pfupi yadarika, pane rimwe godobori rakasvikirwa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts rikasungwa richinzi rakange rashora dare (contempt of court).

“Kana godobiri richinge rasvikirwa mudare vanofanira kutishevedza isu kuti tivaudze chokwadi.
‘‘Godobori rinotaura rakasvikirwa kuti munhu akapuhwa huroyi nanhingi kana kuti ndiye anoroya, saka harifaniri kusungwa mudare nekuti homwe kana mweya unenge wakamugara panguva iyoyo ndiwo unenge uchitaura izvozvo.

“Matare anofanira kuremekedza masvikiro nemagodobori uye zvitendero zvevanhu nekuti zvirimo mubumbiro remutemo kuti vanhu vane kodzero dzekusarudza zvitendero zvavanoda kutevedza pasina kutya,” vanodaro.

Pasi pemutemo weWitchcraft Suppression Act, 2006 Part V1 of Chapter, munhu anenge ananga mumwe huroyi anofanira kupa umboo huzere mudare redzimhosva.

Mutemo uyu zvakare hautenderi n’anga kana maporofita kuti vaite mabasa ehuTsikamutanda vachipumha huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey