China yakavakisa chikoro muHarare

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
China yakavakisa chikoro muHarare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIKORO chitsva chinokosha US$2 miriyoni cheZimbabwe-China Friendship High School chiri kuHatcliffe, muHarare, icho chinotarisirwa kubatsira vana 960 chakavhurwa zviri pamutemo nguva pfupi yadarika.

Chikoro ichi chakavakwa kuburikidza nerubatsiro rwehurumende yenyika yeChina zvichitevera hukama hwakasimba huripo neZimbabwe. Vachitaura pakuvhurwa kwechikoro ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanotenda rutsigiro rwakawaniswa Zimbabwe neChina.

Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang vachimema chikoro cheZimbabwe-China Friendship High School

“Tinotenda zvikuru hurumende yeChina nekuti inotibatsira mune zvakawanda uye hushamwari hweZimbabwe neChina hwakabvira kuma1960 apo yakabatsira mukurwira rusununguko rwenyika ino. Chikoro ichi chakavakwa mukati menguva diki – kubva munaChivabvu gore rapera – kureva kuti chakavakwa mukati memwedzi 18. Tinotenda vavaki nenhengo dzedare reParamende dzemuno nerutsigiro rwavo,” vanodaro. Prof Mavima vanoti chikoro ichi chichatanga kushanda muna Ndira gore rino apo panovhurwa zvikoro.

“Tichatsvaga mukuru wechikoro ichi kubva kumatunhu ose nekuti tinoda kuti chibure hunyanzvi hwakasimba hunovandudza dzidzo. Tiri kutarisira kuva nevarairidzi 50 nevana 960. Vadzidzi vazhinji tinoda kuti vave vemunharaunda ino yeHatcliffe,” vanodaro Prof Mavima. Vanoti pasina zvivakwa zvakanaka, nyika haiwani dzidzo yakakwana.

Prof Mavima (kurudyi) naVaZhao Baogang

“Tinoda kuti varairidzi nevana vange vachishandira panzvimbo dzakanaka seizvi. Zvivakwa zvakadai semarabhoritari eSainzi, Technical neVocational workshops uye Early Child Development (ECD) zvakakosha muzvikoro kuti dzidzo isimukire,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti Hurumende iri kutarisira kuvaka zvimwe zvikoro zana nemarabhoritari 66 senzira yekusimudzira zvivakwa munyaya dzedzidzo. Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemumiriri weChina muZimbabwe – VaZhao Baogang – vanoti nyika yavo icharamba ichitsigira nyika ino munyaya dzebudiriro. “Zimbabwe inozivikanwa nemukurumbira wedzidzo uye chikamu che95% chevanhu vemuno vanogona kuverenga nekunyora. Ndiko kusaka tichida kwazvo kutsigira nyaya dzedzidzo. Chikoro chatakavaka pano chakanaka zvikuru kupinda zvimwe zviri kuChina,” vanodaro.

Pakamemwa chikoro ichi, vazhinji vaivepo vakabva vaine kugutsikana nacho zvichitevera midziyo yemhando yepamusoro nezvivakwa zvinosanganisira sub-power station, magenareta mahombe, marabhoritari matanhatu, mahofisi, muzinda wetennis, basketball newenhabvu.

Share This:

Sponsored Links