Chinembiri Primary: Muriga dzose

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Chinembiri Primary: Muriga dzose

Kwayedza

l Vana vepo vanotsvuna chikoro

l Varairidzi vachirwawo nekwavo

CHIKORO cheChinembiri Primary School, chekuChitungwiza, chiri pamberi munyaya dzedzidzo izvo zvaona chichitora chinzvimbo chekutanga mumakwikwi equizz mudunhu reHarare yose munguva yadarika.Chinembiri yakatorawo chinzvimbo chechina mumakwikwi equizz enyika yose.

Mukuru wechikoro ichi, VaStanley Makwembere, vanoti kubudirira kunoita vana vavo mune zvose kunobva mukuzvipira kwavo pamwe chete nevarairidzi.

“Tinofara zvikuru nebudiriro yedu muzvidzidzo iyo yakaona tichitora nhamba yekutanga mumakwikwi equizz emupurovhinzi yeHarare nenhamba yechina mumakwikwi enyika yose.

“Mumakore adarika, pakupasa bvunzo dzeGrade 7 taive panhamba yetatu mupurovhinzi yeHarare kunze kwegore rapera bedzi apo takaita nhamba 4 (yechina). Pano tine mushandirapamwe wakasimba zvekuti vadzidzisi kana vachinge vaita zvigozhero pakufundisa, vanoita mukomberanwa kuti vagadzirise dambudziko rinenge riripo.

“Zvakare, kana muchipinda pamahofisi edu pane chikwangwari chakanyorwa kuti: ‘Sei uri pano?’ Ichi ndicho chitsvambe kuvadzidzi nevadzidzisi kuti vanofanira kuziva zvinangwa zvekuve pachikoro chino,” vanodaro VaMakwembere.

Vanoti Chinembiri Primary ine vana 2 370 vanobvira paEarly Childhood Development (ECD) kusvika Grade 7 uye chikoro ichi chakavambwa mugore ra1979.

Muchidzidzo cheShona, vanoti vana vavo pabvunzo dzeGrade 7 vanobudirira nechikamu che100% kubvira makore adarika kuchizoti muna 2015 ndimo mavakaita 99,9%.

“Mugore ra2012, takaita vana 12 vaive ne4 Units paGrade 7 kuchizoti muna 2015 vakawedzera kuenda pa27 vaive nezvibodzwa zvimwe chete izvi. Tinofara zvikuru nekupasa kuri kuita vana uye izvi zviri kuita kuti vamwe vabereki vanobva kure vazotsvaga nzvimbo dzevana vavo pano. Mubereki wose anoda kuendesa mwana wake pachikoro chinodzidzwa nemazvo.”

VaMakwembere vanoti mukirasi imwe chete munowanikwa vana vane huwandu hunosvika 50.

Vanotenda bepanhau reKwayedza nekusimudzira mutauro werurimi rwaamai muzvikoro.

“Muzvikoro zvizhinji unoona vana vachipasa masvomhu, Content nechiRungu asi mutauro waamai, uyo vanotaura zuva nezuva, vachiutadza. Kwayedza inodzoreredza mutauro waamai, ndiko kusaka tichiwanisa vana vedu pano maKwayedza kuti vange vachiverenga uye tiri kuona shanduko yekupasa kwavo nechikamu che100% kuShona,” vanodaro.

Pachikoro pavo, vanodaro VaMakwembere, panoitwa mitambo inodarika 25, inosanganisira nhabvu yevakomana nevasikana, netball, baseball, cricket, rugby, korfball, handball netennis.

Chikoro ichi inyanzvi zvakare mumitambo yechinyakare nekuimba. Musi weMuvhuro svondo rino, Chinembiri Primary yakakunda zvimwe zvikoro mumakwikwi emaDrum Majorities akaitirwa paTasimukira Primary School, mekare muChitungwiza.

Chikoro ichi chakatora zvakare chinhanho chekutanga mudunhu reHarare yekuva nezvivakwa zvemhando yepamusoro zveECD.

Senzira yekusimudzira zvidzidzo zvekurima, pachikoro apa pane bindu rinorimwa mhando dzakasiyana dzemuriwo.

 

 

Share This:

Sponsored Links