Uncategorized

Chipanga otizira kudare

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Chipanga otizira kudare

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUIMBI Hosiah Chipanga svondo rapera akazopotera kudare raMambo Mutasa zvichitevera kunetsana kwaari kuita nemumwe mukadzi pamusoro penyaya yemuganhu wesitendi iri munzvimbo yeWatsomba, kwaMutasa, kuManicaland.

Chipanga akamhan’arira Shylet Matasva kudare iri achimupomera kuti akaisa ruzhowa rwemunda wake kunopinda mukati mesitendi yake pasina kuwirirana naye.

Munyori wedare raMambo Mutasa, VaAndrew Madzivachando vanoti Matasva – uyo asina kuuya kudare iri svondo rapera – ari kupomerwa kutora chimwe chikamu chemunda waChipanga. Vaviri ava vavakidzani uye vose vanobva mubhuku raMashumba.

Mambo Mutasa vanoti vakaona zvisina kukodzera kutonga nyaya iyi Matasva asipo nekudaro vakaipfuudza mberi kusvika musi wa25 Mbudzi.

“Semadzimambo, hatibvumidzwe kutonga munhu asipo. Nekudaro, vanhu vanoramba vachirovha kuuya kudare vachizviita maune.

“Zvino nyaya iyi yapinda muno mudare munhu arega kuuya, tichataura nemapurisa vatibatsirewo kuti mudzimai ari kupomerwa kupinda mumunda memumwe uyu anotorwa,” vanodaro Mambo Mutasa.

Chipanga anoti akatenga nzvimbo ine munda uyu muna 2005.

“Mugore ra2005, ndakatenga imba ine 5 rooms nemari yaiita Z$45 miriyoni kuWatsomba apo pane nzvimbo yekurima. Panguva iyi, ndaibva kwangu kumusha chaiko kuBocha, kwaMarange makare muno muManicaland.

“Kuno kwaimbogara vana vangu chete uye nzvimbo iyi akanditengesera ndiSebastian Matasva amai ava (Matasva) vasipo,” anodaro.

Chipanga anoti akambonetsana zvakare nemumwe mudzimai anonzi Mildred Zhangato nekuda kwemuganhu mumwe chete uyu asi nyaya iyi vakaigadzirisa vakawirirana.

“Ndauya kuno kuna mambo wedu mukuru, varidzi vevhu, kuti vatigadzirise nekuti naamai ava tatadzana kuwirirana,” anodaro Chipanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey