Uncategorized

Chipatapata kukiya vadikani

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Chipatapata kukiya vadikani

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
ZVICHITEVERA kubuda kwemumwe muporofita muKwayedza resvondo rapera achiti ane makii ekusunga varume kana vakadzi vanoita zvegumbo mumba, gumbo kunze, bepanhau rino rakachiona apo vamwe vaverengi varo vaifona vachida kuzivisisa nezva madzibaba uyu uye kuti vangamuwane sei kuti avabatsire.

Varume nevakadzi vanonzi vari kumhanyidzana kuenda kumuporofita wekuChitungwiza uyu, uyo anozviti ane simba rekukiya “zvinhu” zvevanoita hupombwe achizozvichengeta mumazihari ake zvekuti muridzi anosara asina basa.

Nyaya yaMadzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe yeZambuko, yakabuda mubepanhau rino svondo rapera apo mumwe murume aitochema achiti mudzimai wake akamuendera kumuporofita uyu naizvozvo ari kushaya sikarudzi yake.

Madzibaba Steven anoti ane hari mbiri dziri mumba make idzo dzizere nesikarudzi dzevarume nevakadzi vanodarika 100 izvo zvaakatora kuburikidza nemhiko dzake mushure mekunge akumbirwa nevadikani vevanhu ava kuti avasunge nechinangwa chekuti vasaite zvechipfambi.

Paul Chadzimura (39) ndiye ari kuchema achiti haasisina sikarudzi yake mushure mekunge aendererwa kumuporofita uyu nemudzimai wake, Mirriam Ngirazi (33).

Mudzimai wacho, zvose namadzibaba uyu vanobvuma kuti vakazviita. Zvichitevera kubuda kwakaita nyaya iyi, vaverengi vari kuda kuziva kuti muporofita uyu vangamuwane sei.

“Editor (mupepeti), mudzimai wangu ari kuita chipfambi. Chipfambi! Ndipei nhamba dzemuporofita wandaverenga mubepa ndiendeko izvozvi. Kubvuma kana kuramba kwazvo haisi mhosva yenyu, ndipei nhamba,” akadaro mumwe murume akati aifona ari mukati meHarare.

Mumwewo mukadzi akafona ari kuBudiriro anoti anoda kukiya muroora wake, mukadzi wehanzvadzi. “Taneta navo mainini ava (muroora). Ane chikomba chaanotorojera imba. Takazvibata paWhatsApp tikamuudza asi havasi kusiyana. Tipei nhare dzemunhu uyu, tinoda kugurisa muroora uyu zvinhu zvake azvishaye.”

Vamwewo vaverengi vakaridza nhare vachiti vanoda kushandirwa uye vanoti havana basa nekuti zvashanda here kana kuti kwete, chavo kumboedza. Madzibaba Steven vanotiwo kune vanhu vakawanda vari kuenda kwaari vachinotsvaga kukiya vamwe vavo.

“Kubva pakabuda nyaya iyi, vanhu vari kuuya vachitsvaga rubatsiro rwekusunga vadikani vavo. Kune vamwe vari kutouya vose murume nemukadzi vachida kuti vasungwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine vamwe vari kuzodzoka kudare rangu vakadungamidzana zvakare vachiti kumba kwave kufaya,” vanodaro.

Vanoti kusunga kwavanoita vanhu hausi huroyi asi kuti zvinoita kuti rudo pakati pevaviri rwupfumbire.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti kunyangwe zvazvo vasingakurudzire zviri kuitwa nemuporofita uyu, vanhu kana vachinge vari muwanano vanofanira kuvimbika.

“Hongu, zviri kuitwa namadzibaba ava zvekuisa vanhu rukawo zvakaipa pamutemo wedu seZinatha. Asi tinoshushikana nekuda kwechipfambi chiri kukurumbira kuvanhu vakaroorana.

“Vamwe vari kurambana uye zvirwere zvepabonde zviri kungoparadzirwa pamadiro, kusanganisira utachiona hweHIV. Kuvimbana pakati pevamwe vakaroorana hapasisina zvachose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links