Chipatara chakapihwa amburenzi

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chipatara  chakapihwa  amburenzi

Kwayedza

CHIPATARA cheChivhu General Hospital svondo rapera chakagashidzwa amburenzi yemhando yepamusoro nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC) iyo ichabatsira mukusimudzira utano mudunhu iri.

ZNCC yakapa rubatsirwo urwu zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemumiriri weChikomba West mudare reNational Assembly, Cde Mike Bimha, avo vanove zvakare gurukota rezvamaindasitiri.

Chipatara ichi change chiine maamburenzi maviri chete ayo anove mashoma kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarwere vachinobatsira.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakatenda zvikuru rubatsiro urwu vachiti amburenzi iyi ichabatsira mukuderedza ndufu kuvarwere vanenge vachida rubatsiro rwechimbi-chimbi.

“Ndinoda kutenda sangano reZNCC nerubatsiro urwu. Chipatara ichi chiri padyo nemugwagwa weMasvingo zvekuti pane dzimwe nguva chinowanikwa chiri kurapa vanhu vakawanda vanowirwa netsaona saka kuve nemaamburenzi akawanda kunobatsira.

“Tikatarisa zvakare madzimai akazvitakura, ayo anogara munzvimbo dziri kure nezvipatara anotoda kutakurwa neamburenzi, kwete nengoro, kana vachinge varwara. Zvinobatsira mukuderedza ndufu dzemadzimai nevana saka tinozvitenda,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vakakwanisa zvakare kumema chipatara ichi ndokuona zviri kuperevedza zvakaita sekushomeka kwedzimba dzevarwere, kushaikwa kwenzvimbo yakati tsvetere yekubikira chikafu chevarwere uye zvekushandisa mukurapwa zvinosanganisira mishonga nemibhedha.

“Kuti varapi vange vachibudirira mubasa ravo vanofanira kuwaniswa mari dzavo dzemuhoro dzinogutsa uye nezvekushandisa,” vanodaro.

Vakafanobata chigaro chaMedical Suprintendent pachipatara ichi, Dr Alice Kanyemba, vakatenda rubatsiro rweamburenzi urwu.

“Tinofara zvikuru nechipo chatapihwa nhasi nekuti tange tiine maamburenzi maviri bedzi anove madiki. Tinochema kuti kudai munguva inotevera tawaniswa maambutenzi akakwirira nekuti migwagwa mizhinji yatinoshandisa mukutakura varwere vedu yakaipa zvikuru.

“Dzimwe dzenguva tinototaurira varwere vanenge vafona kuti vamire pedyo nemigwagwa kuti vakwanise kutakurwa nekuti maamburenzi edu anenge atokundikana kusvika kunogara varwere,” vanodaro.

Vanoti rimwe dambudziko rakatarisana nechipatara chavo ndere kushaikwa kwezvekushandisa uye varapi vakadzidzira basa.

“Takambenge tiina chiremba mumwe chete pano asi iko zvino tinofara nekuti tave nevana. Manesi edu achiri mashoma nekuti dzimwe nguva varwere vanowanda. Kushomeka kwevarapi pano hakusi kwekuti munyika hamuna manesi asi kuti vamwe havadi kuuya kuzorapira kuno nekuda kwekuti hakuna zvekushandisa zvakakwana mubasa saka varapi vanotizira kune zvimwe zvipatara zviri nani,” vanodaro Dr Kanyemba.

Cde Bimha vakatendawo ZNCC nerubatsiro urwu vachiti rwauya munguva yekunetsa kwezvinhu pachipatara ichi.

Gurukota reHurumende rinomirira Mashonaland East, Retired Brigadier Ambrose Mutinhiri, vakakurudzirawo vamwe vemabhizimusi kuti vatevere matsimba eZNCC nekubatsira mukusimudzira utano.

Mutungamiriri weZNCC, VaDavison Nerupiri, vanoti vakatsvaga rubatsiro kumasangano akasiyana izvo zvakaita kuti vange vachikwanisa kunotenga amburenzi iyi kunyika yeDubai uye vane taririro yekuramba vachibatsira mune zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links