Chipatara cheChivhu chinoda kuvandudzwa

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Chipatara cheChivhu  chinoda kuvandudzwa

Kwayedza

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti zvakakosha kuti zvipatara zvakavakwa kare panguva iyo Zimbabwe yakange isati yawana kuzvitonga kuzere zvakaita seChivhu General Hospital, zvivandudzwe kuitira kuti zvikwanise kubatsira vanhu vakawanda.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadadika pachipatara ichi mushure mekuchimema apo chakapihwa amburenzi nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC).

Dr Parirenyatwa vanoti mochari yepachitara ichi iduku zvikuru kana zvichitariswa mitumbi iri kuchengeterwamo.

Pakavhurwa mochari iyi, mitumbi yaivemo yakaonekwa yakawanda zvekudarika mwero uye yakatsimbirirana.

Zvisinei nekuti makange muine chando, munhuhwi unokachidza wainzwikwa uchibuda muimba iyi.

“Zvinhu zvinosiririsa kwazvo kuti mitumbi yakawanda kudai yakatsimbirirana seizvi. Chipatara ichi chinoda kutsigirwa zvakanyanya nekuti kana takatarisa nyaya yezvivakwa zvese zviri pano, zvakavakwa munguva yeRhodesia apo chakange chakamirira kuti chinge chichibatsira vachena vanove vaive vashoma.

“Iko zvino chave kushandiswa nevanhu vatema uye huwandu hwevanhu huri kuwanda nekudaro chinofanirawo kuvakwa nenzira inoita kuti varwere vange vaine nzvimbo yakakwana yekurapirwa. Tanzwa kuti mumochari iyi inofanira kutakura mitumbi 6 asi iko zvino ine 30,” vakadaro.

Vakafanobata chigaro chamedical superintendent pachipatara ichi, Dr Alice Kanyemba, vanoti vakatarisana nedambudziko guru nekuda kwekuti mochari iyi idiki.

“Sekuona kwamaita, mochari yedu idiki uye yakazara pachinzvimbo chekuti tinge tiine zvitunha zvitanhatu mukati tine zvinodarika makumi matatu tinoita zvekuzvitsinha-tsinha (stiching) kuti zvinge zvichikwana saka munopedzisira mave kubuda mweya wakashata nekuti chando chinenge chisingachakwanirani nehuwandu hurimo.

“Kunyangwe mukatarisa imba yatinobikira idiki zvekuti tinototi hatina kicheni pano uye tinototuma vanhu kuti vaende kunotitsvagira huni dzekubikisa chikafu chevarwere nechevashandi,” vanodaro.

Vanoti vanotenda rubatsiro rwavari kuwaniswa nesangano reCode Aid iro riri kutsigira chirongwa chekuti madzimai ange achinyoresa pamuviri pavo pamwe nekusununguka pachena. Izvi, vanodaro Dr Kanyemba, zviri kuita kuti madzimai mazhinji asawanikwe achisunungukira mudzimba.

Mambo Enos Musarurwa, avo vanove sachigaro weZimbabwe Council of Chiefs kuMashonaland East, vanonyunyutawo nekuda kwemamiriro akaita mochairi iyi.

“Tiri kungochema kuti kudai Hurumende yapindira yativakirawo mochari yakakura nekuti mochari yedu idiki zvakanyanya uye tave nemakore mazhinji tichingotaura nezvayo pasina matanho ari kutorwa. Mugwagwa weMasvingo wapedza vanhu vakawanda netsaona izvo zviri kuita kuti huwandu hwezvitunha huwande mumochari iyi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey