Uncategorized

Chipoko chiri kubopa mombe . . . Vanhu vakatopata musha

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Chipoko chiri kubopa mombe . . . Vanhu vakatopata musha

Kwayedza

Kingstone Mapupu naBlessing Chidakwa —
IMWE mhuri igere kwaNjelele, kuGokwe, yakapata musha ichitiza chipoko chemwanakomana ane mutumbi wakavigwa pachivanze chayo zvichitevera kupomerwa kwairi kuitwa mhosva yekuti ine chekuita nerufu rwake.

Pamusha uri mubhuku raMapfumo, kwaJahana uyu, panonzi hapasi kugarika sezvo mufi uyu ari kuonekwa achibopa mombe nekurima achitokuza mombe, kutsvaira pachivanze nekungoerekana agara pamabhenji nevamwe vanhu vepo.

Pamusoro pezvo, huku dzinokwana 18 dzinonzi dzakangouraiwa pamusha uyu dzichitorwa muzumbu, ndokuzongoonekwa makushe adzo akaunganidzwa mumba, ropa rakamwaiwa.

Nyama yehuku idzi inonzi haina kuonekwa kuti yakadyirwa kupi — zvose izvi zvichinzi mabasa echipoko chemukomana uyu.

Mutumbi waUnwell Mapfumo (23) ndiwo wakavigwa pachivanze chaVaMafios Ncube Chikavhunda (79), avo vanove babamukuru vemushakabvu.

Unwell aiva mwana waVaWilson Mapfumo (69) uye anonzi akafa mushure mekushaya nharembozha yake, iyo inofungidzirwa kuti yaiva yabiwa nemukoma wake — Elson Ncube Chikavhunda (29).

Elson mwanakomana waVaMafios Ncube Chikavhunda.

Nharembozha iyi inonzi yakabiwa apo vaviri ava vainge vaenda kunzvimbo yemabhizimisi yeko uko vaifara zvavo. Nharembozha iyi yashaikwa, muchakabvu anonzi akapomera mukoma wake uyu kuti ndiye aiva aiba.

Nyaya iyi inonzi yakazogumisira yasvitswa kumapurisa ekuGokwe Centre naUnwell uko anonzi akazobva ave kurwara ndokuzongogara mazuva mashoma achibva afa.

Uyu Elson ari kuramba kuti akaba nhare yaUnwell. Ukuwo, vaba vake, VaMafios Ncube Chikavhunda — vanotiwo kunyangwe mashoko ekuti pamusha pavo pari kumuka chipoko ari kutaurwa, hachizi chokwadi.

Sabhuku vemusha uyu, VaNelson Mpofu (36), vanoti paakatanga kurwara, Unwell akati aiva akuvadzirwa foni yake ndokunyora tsamba yekuti aizoda kuvigwa kumba kune munhu akatora nharembozha yake, zvinova zvakazoitwa.

“Akasiya ataura oga mukomana uyu, kuti aida kuzovigwa kumba kwakabiwa foni yake. Akarwara achibva kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ndokubva afa. Mutumbi wake wakazovigwa kumba kwababamukuru vake, apo ari kumuka chipoko chiri kutandanisa vanhu,” vanodaro Sabhuku Mpofu.

Vanoti pane mashoko ekuti nharembozha yaUnwell yakazonhongwa uye inonzi yaitaura asi yakadzima ichifonera hama dzemufi nevanhu vanofungidzirwa kuti vakanga vaiba.

“Nyaya yekunzi foni iyi iri kutaura ndakainzwa asi handina umboo nazvo. Yakazonhongwa ikaendeswa kwaMambo Njelele uko yakachengetedzwa kwakamirirwa kugadziriswa kwenyaya iyi. Ichokwadi, mutumbi wakavigwa pachivanze kwababamukuru vacho.

“Ini sasabhuku ndakavhundutsirwa ndichinzi ndaisafanirwa kupindira munyaya iyi nekuti ‘ndiri pfuti isina mabara’,” vanodaro.

Sabhuku Mpofu vanoti mutumbi uyu wavigwa pachivanze kudaro, mhuri yepamba apa yakatanga kuona mufi achitinha mombe nekurima apo anokuza mombe nemazita adzo.

Chipoko ichi chinonzizve chinoonekwa chakagara mumba, chichitsvaira chivanze nekuridza mheterwa.

“Mhuri iyi yakatiza musha chipoko ichi chadya marasha. Chinobvira moto, vanoona mufi achifamba asingataure navo, dzimwe nguva achibopa mombe dzavo nekurima asi vanofuma vachiona pasina pakarimwa kana kumuona agere pabhenji,” vanodaro Sabhuku Mpofu.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (52), vanotsinhira nyaya iyi vachiti yava mudare ravo.

“Mutumbi wemwana uyu wakanovigwa pamba pababamukuru vake. Hapana chakaipa apa, pamba pake paakavigwa. Mhuri iyi yauya pano kanokwana kasere vachida kubatsirwa. Asi iye muridzi wenyaya, Mafios wacho haasi kuda kudzoka.

“Akangouya kamwe chete, akawanikwa aine mushonga pasi perurimi nemumwe waiva mubhegi wekuti ndisakwanise kuita chimwe chinhu kwaari uye nekuti asabatwe nemhosva,” vanodaro mambo.

Mambo Njelele vanoenderera mberi vachiti: “Foni yemushakabvu uyu ndagara nayo kwemasvondo matatu pano asi haitaure. Uyu ari kuramba kuuya kudare rangu handichada kumuona muno nekuti anoshereketa, ndinoda kuti adzokere kwaakabva kuGweluchena, kuBulawayo.

“Murume uyu anonzi pane mwana wake akashaika akaviga mutumbi wacho nembudzi mhenyu yakamira neduri, zvose zvikafushirwa vanhu vakatarisa. Anoshereketa.”

VaWilson Mapfumo vanoti mwana wavo akafa achitaura kuti ava kufira foni yake uye akazosiya anyora tsamba yekuti anoda kuvigwa pachivanze chemhuri ine munhu waaipomera kumubira nharembozha yake.

“Uyu (Elson) mwana wemukoma wangu chaiye, anonzi ndiye akaba foni iyi. Zvino tinongonzwa kuti hakuchagarika, mwana uyu ari kuonekwa achitofamba. Ini handisvikeko kubva patakaviga chitunha chemwana wangu pachivanze chavo. Takaita zvakarehwa nemufi,” vanodaro baba vemushakabvu.

Vanotiwo amai vaUnwell – Antonetta Mapfumo – vakafawo vasina kurwara apo vaiwacha mbatya dzavanoti dzaiva dzasvipirwa doro nehama dzepedyo dzaVaMafios Ncube Chikavhunda.

“Mukadzi wangu akafa asina kurwara apo akatanga kunzwa dzungu achikorobha mumba, ndokuzotanga kuwacha mbatya dzangu dzaiva nedoro iro ndakanga ndasvipirwa. Vanhu ava vaindipa mhosva yekuti sei ndisina kuenda kudoro rechikaranga raiva kumba kwavo. Pakunowacha mbatya idzi, mukadzi wangu akabva angotemwa nemusoro ndokufa ipapo,” vanodaro.

Panyaya yenharembozha yaUnwell, vanoti muchakabvu uyu akati akakumbirwa nharembozha yake naElson achiti aida kunovhenekesa musango apo aida kuzvibatsira.

“Foni iyi yakazonhongwa kuraini rekwaMachoka uko inonzi yakanga yatengeswa naElson, ikaendeswa kwamambo uko yakachengwetwa kusvika nhasi,” vanodaro.

Zvakadai, pakashaika Unwell anonzi mutumbi wake wakatakurwa nechiko chikari nemombe idzo dzinonzi imwe yacho yakatanga kukuma ndokugwadama ichiita ndove —chitunha chiri mungoro.

Pakagwadama mombe iyi ndipo pakazovigwa mutumbi waUnwell izvo zvinonzi zvakaratidza kuti zvaidiwa nemufi zvainge zvatambirwa.

Regina Mapfumo (20), uyo anove hanzvadzi yemushakabvu, anoti mumhuri yavo mune vanhu vana vakangofa vasina kurwara sezvakaita Unwell.

VaMafios Ncube Chikavhunda vanotsinhira kuti pane mashoko anoti nharembozha yaUnwell iri kunzi yakabiwa nemwanakomana wavo, Elson.

“Vana vakaenda kumagirosa apo Elson anonzi akatsauka ndokusiya Unwell akamira, ndipo panonzi pakashaikwa nharembozha iyi ichinzi yakabiwa naElson. Zvizhinji zvinozivikanwa naivo vaviri,” vanodaro.

Asi vanoramba mashoko anoti pamusha pavo pari kumuka chipoko chaUnwell.

“Nyaya yekuti pamba pedu pari kumuka chipoko chaUnwell iri kutaurwa, hapana zvakadaro. Hongu, takanga tatiza pano tose, kwemwedzi mitatu yadarika taigara kumamana. Takatodzoka izvozvi, asi ini handizive kuti guva remwana uyu richagara kusvika rinhi mumusha mangu, ndinoti ngaribve,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndamirira kunzwa kuti Mambo Njelele vanoti kudii. Vakati vari kuda kuunza n’anga nemaporofita kuzochenura musha kuti kuwanikwe chakauraya mwana uyu.”

Elson anotiwo ichokwadi kuti akaenda kumagirosa nemunin’ina wake uko akasvikoshaya nharembozha yake asi haazive kuti yakatorwa nani.

“Takabva pano pamba tichida kunoona mumwe musikana apo Unwell akazoshaya foni yake. Ini ndaiva neyangu, takaitsvaga tikaishaya asi yakazonhongwa munzvimbo imwe chete iyi,” anodaro.

Anoramba mashoko ekuti foni iyi iri kutaura. Mbuya Milinda Ncube (62), vanova mudzimai waVaMafios Chikavhunda, vanoti vanoda kuti chitunha chakavigwa pamba pavo chifukunurwe.

“Nyaya yekuti pari kumuka chipoko manyepo. Isu tinoda chete kuti mutumbi uyu ufukunurwe unovigwa kumakuva kune vamwe kana kumba kwevabereki vemwana uyu,” vanodaro.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende, vanotsinhira nyaya yemutumbi wakavigwa pachivanze cheimwe mhuri nekuda kwemakakatanwa pamusoro pefiro yemushakabvu.

Vanoti nyaya iyi yakaendeswa kudare raMambo Njelele kuitira kuti igadziriswe pachivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey