Chiramu ngachive nemwero!

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Chiramu ngachive nemwero!

Kwayedza

NYAYA dzokubatwa kwevanasikana navakomana chibharo dzawanda. Sokuzvitaura kwatakamboita, vazhinji vanobhinywa nevanhu vokuziva, voukama. Vamwe vasikana vanopedzisira vabatwa chibharo nanababamukuru — varume vamadzikoma kana kuti vamadzitete — vachinyeberwa kuti kutamba chiramu.

Asi VaAaron C. Hodza vakaita ongororo kare kare vakatsvaga nokunyora kuti chinonzi chiramu chii vanotsiura vachiti, “charehwa mutupo, chaera.”

VaHodza vanoti: “Chiramu chakare chakange chiri chiramu chine unhu kwahwo kupinda chamazuva ano. Kwaivapo kufarirana nokusekedzana pakati pemuramu nemuramu, asi pakanga pasina zvokuti paizova nezvinotsamwisa kana kunyadza kufanana nezvavako musanyn’a (mukore) uno.”

VaHodza vanoenderera mberi vachiti, “Muramukadzi aigona kuperekedzwa kubva kumusha kwemurume wake nemunin’ina kana mukoma wemurume wake achiendeswa kumusha kwake masango namasango kana mitunhu nemitunhu. Mumwe musi kwaive nerwendo rwairarwa panzira asi vairara vakati uyu rwake uriri, uyu rwake uriri, pasina kuti paizombova nechaiitika kufanana nanhasi. Chikonzero ndechokuti vakuru vakanga vakaeresa kwazvo zvokuti pasave nomunhu anochiva mukadzi wehama, iyo hama ichiri mheny’u.

“Vaitamba zvavo chiramu chingafanane nokupota vachinemerana kana pamwe kubatana mawoko vachiita sevari kurima asi kuri kutamba. Izvi zvakanga zvisinai baramhosva nokuti zvainge zvisiko zvinofanana nezvemazuva ano zvokuti mukadzi wemunin’ina kana kuti wemukoma anoitwa naye mabimbiri (vamwe vanoti gwiti).

“Mabimbiri aiveko zvawo asi aiitwa nemunin’ina wemukadzi asati aroorwa, kwete akaroorwa. Vakuru vaiti, ‘Charehwa mutupo, chaera.’ Izvi zvaireva kuti atovawo hama yenyu kana mukadzi aroorwa nehama.

“Muramu aitambwa naye zvinenge zvakati pfuurirei munin’ina wemukadzi wako, kana dzimwe nguva angava muramu mwana wehanzvadzi yemukadzi wako. Ava vaviri, kuti muramu munin’ina wemukadzi wako nemuramu mwana wehanzvadzi yako, ndivo vaitambwa navo vachiitwa navo mabimbiri.

“Paishoranwa zvapo pavanhu ivava asi zvainge zviri zvine mutsigo. Mumwe musi paitaurwa zvinonyadzisa asi zvaiperera ipapo chete. Hapana aizonotaura izvi kuvanyarikani . . . Vabereki vavo vakange vasina hany’a nazvo nokuti vaingoti vari kufara zvavo. ” (Shona Registers; Volume 1, 1974)

Tese tese takadai tine varamu, uyewo kuti tiri varamu vavamwe vanhu zvisinei kuti tiri vanhurume kana vanhukadzi, uyewo zvisinei kuti tiri vakomana kana kuti vasikana.

Pane nyaya ndepokuti tinotambana chiramu sei? Tinoziva pokugumira here, kana kuti tinoona kuti izvi zvapinda mwero, zvave kuzotisvitsa kuna taisireva here, kana kuti rinongove zimutambira?

Kune vamwe vanotamba chiramu vasina matyira; vane mawoko asina panoera kubata, nokuti vari kubata muramu. Vanotozvipa kodzero.
Mukubata-bata ikoko vanhu vachingozhinya pane mumwe anenge achitoti ndazviwanira pano. Babamukuru ngavazive pokugumira, uyewo ngavazive kuti kuve muramu handi kunzi munhu ave mudzimai wako, nokuti vamwe vavo vanofarira zvikuru kudaidza kunyange navana vadiki kuti “vadzimai”.

Kana nemiwo madzimai navasikana, name name nanababamudiki inopinza munyatwa. Muromo ngauzive mashoko okutaura uyewo homwe dzavaramu kunyanya homwe dzemidhebhe ngadzirege kujairirwa. Mukuseka imomo ndimo munozobuda makunun’unu maodzamwoyo. Tinokuonai kuti kunyange parufu chaipo munoita chiramu chinonyadzisa.

Ngachitambwe chiramu asi ngazviitwe nomwero wokuremekedzana nokuzviremekedzawo. Kunyanya vavasikana, tyirai miviri yenyu! Munopedzisira maparikwa pamusana pokuti makatadza kuti, “Babamukuru/babamudiki, handizvide!”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey