Chirongwa chekubatsira vachangopedza chikoro

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri
BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina rakaparura chirongwa chakananga kubatsira vadzidzi vachangopedza zvidzidzo kuti vakwanise kuzvishandira kuburikidza nemabasa emawoko, cheThe Graduate Entrepreneurship and Employment Promotion Programme.

Vachitaura nevadzidzi vepaMasvingo Polytechnic svondo rapera, gurukota rebazi iri, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri vakati vakavamba chirongwa ichi nedonzvo rekuti vachangopedza zvidzidzo zvavo vakwanise kuwana mabasa ekuita zvichienderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimAsset.

“Hurumende iripo pakusimudzira vachangopedza zvidzidzo zvavo kuti vawane mabasa pamwe chete nekusimudzira upfumi hwenyika takanangana nechirongwa cheZimAsset,” vakadaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vakati zvakakosha kuti vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vave nepekugara pakanaka, vawaniswe chikafu chinokwana pamwe nemari yefundo yekubatsira avo vanoshaya.Cde Muchinguri-Kashiri vanoti Hurumende iri kushingaira kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari pasi pechirongwa chinobatsira vadzidzi vanoshaya, cheCadetship.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>