Chirongwa cheutano kuManicaland

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Chirongwa cheutano kuManicaland

Kwayedza

VANHU vanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana kuNyanga nekuChimanimani, kudunhu reManicaland, vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera kuparurwa kwechirongwa cheTele-medicine icho chinoita kuti vakwanise kuwana ruzivo rwekuchengetedza utano kuburikidza nekutumirwa mashoko panhare.

Pasi pechirongwa ichi, vanhu vanotumirwa mazano akasiyana maringe nekuchengetedza utano pamwe nenzvimbo dzavanokwanisa kurapwa nekuongororwa utano.

Muhurukuro naNyanga District Medical Officer, Dr Admore Jokwiro, vanoti chirongwa ichi chichabatsira vagari vekuNyanga neChimanimani.

“Tiri kuvamba chirongwa cheTele-medicine nedonzvo rekuvandudza utano mudunhu reManicaland. Imwe nhau yatiri kurwisana nayo ndeyekuti tipedze dambudziko revanhu vari kufamba nzendo refu kuti vabatsirwe muzvipatara nemakirinika kuburikidza nekuvepo kwemamobile clinics,” vanodaro Dr Jokwiro.

Vanoti vagari vakawanda vekumaruva vane dambudziko rekushaya ruzivo rwakazara maringe nezvavangaite mukusimudzira utano hwavo.

“Chirongwa ichi chiri kuparurwa kuburikidza nemubatanidzwa webazi reutano nekurerwa kwevana, bazi reposvo nedzinhare, kambani yePostal Telecommunications Regulatory Authority (Potraz,) International Telecommunications Union pamwe neUnited Nations Development Programme (UNDP),” vanodaro.

“Takatotanga tsvakiridzo dzekuvandudza zveutano nedonzvo rekuti varwere vawaniswe mishonga nenguva. Izvi zvichireva kuti zvava nyore kuti vanhu vazive mazuva ekuuya kuchipatara zvakaita sevanouya kuzoongororwa zvirwere zvakasiyana.”

Share This:

Sponsored Links