Chirwere cheitsvo here?

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Sekuru, ndakanzwa chirongwa chepaStar FM muchitaura nezvechirwere cheitsvo. Zvimwe zvacho zviri kuitika pandiri, ndinotanga ndichipera simba, musana uchindirwadza nechekure. Ndikati ndiite basa kana rakareruka remumba, ndinokasika kuneta, musana worwadza usinganyarare. Marwadzo aya anosvika pakubata kumatiwi ose pedyo nemusana asi pari pamusoro pehudyu. Makumbo anodairirawo marwadzo aya. Ndakaenda kuchipatara ndikapihwa mapiritsi nekubaiwa majekiseni, asi zvakaramba zvichirwadza kusvika makumbo ozvimba. Muweti yangu munenge muine turopa. Apa handichanyatsofamba zvakanaka. Uku musana unorwadza, simba richipera, ndichidikitira, hana yangu ichirova uye ndichitambura kufema. Ndoita sei sekuru?

MHINDURO:

Muzukuru iwe, nevamwe vangadai vaine dambudziko rakadai, ndinoti kasikai kuenda kuchipatara zvisati zvasvika pakadzama. Sematauriro ako, ichi chinoita sechirwere cheitsvo uye hachidi kunonokerwa.

Itsvo ndidzo dzinogeza tsvina iri muropa yobuda neweti uye ndidzo dzinodzosera zvese zvinenge zvichiri kudiwa nemuviri kuti upenyu nemashandiro emuviri zvifambe zvakanaka.

Saka chirwere cheitso chinotadzisa itsvo kushanda zvakanaka. Kutaura kuti tsvina inofanirwa kugezwa ichibuda mumuviri inenge isisabude, yosvika pakuwanda muropa izvo zvinobva zvakanganisa mashandiro emuviri kusvika nyama dzatange kuwora, munhu oparara.

Zvinokonzera chirwere ichi zvinosanganisira kudya kune chepfu sedoro rekangopisa rakaita sekachasu, rimwewo doro kungowandisa mumuviri, mishonga yekubvisa mimba nezvimwewo.

Saka iwe muzukuru kasina kuonekwa nemachiremba kuchipatara.

Tichitarisa kuchivanhu, mukaona chirwere ichi chisingarapike, zvava kureva kuti kuroyiwa.

Naizvozvo unofanirwa kutsvaga vanachiremba vechivanhu kuti vakubatsire. Ngwarirawo kungopedzerwa nguva nevamwe vanonyepera kuti vanozvigona asi vachida kukurozva pfuma.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>