CHISHONA CHAKANAKA

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Mavara ari kuruboshwe akakanyaniswa aya anovaka mazwi anoreva chinhu. Iwe uchishandisa rubatsiro rwemazwi anotsanangura chinhu chiri kudiwa ayo akapihwa kurudyi, ronga mavara akakanyaniswa aya kuti areve chinhu.

Mienzaniso:

1. apyuf – rera mhuka kana shiri pamba (pfuya)

2. mruibo – hunonama uye hunoteyeswa shiri (urimbo)

Chiitawo izvi:

1. ndaag – munorara mombe

2. nodgo – musha wakatamwa

3. vsusuvu – tubota tutete twemurwere

4. tiad – rinoshandiswa pamwe nemiseve

5. imesev – inoiswa padati

 

Mhinduro dzaidiwa:

1. danga 2. dongo 3. usvusvu 4. dati 5. miseve

* * *

Zvakanyorwa nevana:

Tonderai Mudzimu ari muGrade 7 paMushongwi Primary School, kuBuhera akabvunza kuti:

1. Rwaivhi runobereka sei vana varwo uye vanodyei pavanenge vari vadiki.

2. Munhu akafirwa nemwana wake anonzii?

* * *

Tafara Chari wemuGrade 4 paMurambinda B Primary Schoool ndokuti:

Izwi rekuti “fondle” rinorevei?

* * *

Nicholas Chawana anodzidza paParirewa High School, kuDomboshava akati

Ndidetembereiwo mutupo wangu unonzi Marunga (hangaiwa). (Rega tiutsvage)

* * *

Omega Bote wepaNyamande Primary School, kuDomboshava zvekare ndokupindura mibvunzo yesvondo rapera pashure achiti:

1. nodgo – dongo

2. vsusuvu – usvusvu

3. tiad – dati

4. imesev – miseve

* * *

Alpha S wepaMazare Secondary School, kuMasvingo akati:

Ko mvura inonaya ine mupande kana mabhanan’ana nguva yechirimo inonzi chii?

* * *

Share This:

Sponsored Links