CHISHONA CHAKANAKA

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Nguva ino yatiri yekunaya kwemvura inonzi nguva yeZhizha. MuZhizha mvura inonaya, uye vanhu vanorima nekudyara zvirimwa zvakasiyana-siyana.

Munguva ino yatiri, vanhu vanorima zvekudya, asiwo nemumasango munomerawo michero nemhando dzemiriwo dzakasiyana. Zvimwe zvirimwa nezvinomera zvinotodyiwa muZhizha, asi zvimwe zvinozoibva kana Zhizha rave kunopera.

Ndezvipi zvekudya zvinomera mumunda nemusango zvinodyiwa munguva ino?

MHINDURO:

Hohwa, muboora, dererere, chibage, mapudzi, ipwa, manhanga, munyemba, mowa, magaka, mavise kana manwiwa kana mabvembe, mbambaira kana kuti mabura.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Tipe mazwi gumi echiShona ane chiperengo chakafanana asi achireva zvinhu zvakasiyana.

Muenzaniso: vana, sora, gota, guru.

* * *

Mhinduro muKwayedza svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey