CHISHONA CHAKANAKA

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.
* * *
MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Musango mune miti mizhinji kwazvo. Mimwe miti inotipa michero. Mimwe yacho yakanaka kuitisa huni dzekubikisa kana kudziya. Mimwe miti haiite kubikisa nekuti inogona kusabvira zvakanaka, kana kuti inoita hutsi zvakanyanyisa. Mimwe miti inosvuurwa makavi, mimwe ichivezeswa zvinhu zvakasiyana-siyana. Nyora miti gumi yemichero yemusango.

MHINDURO:
1. munhunguru
2. mutufu
3. muzhanje
4. mukute
5. muroro
6. mutsambatsi
7. mushumha
8. munhengeni
9. muwonde
10. muwuyu
11. mutohwe
12. munzviru
13. muchecheni
14. Mutamba
* * *
ZVEKUITA SVONDO RINO:
Mazwi akafanana:
Mazwi mazhinji muchiShona anogona kuperekerwa zvakafanana, asi achitaurwa, pamwe chete nekureva zvinhu zvakasiyana. Semuenzaniso:
1. Tete: Rinogona kureva hanzvadzi yababa, kana chinhu chisiri chikobvu, chakatetepa.
2. Nhanga: Imba inorara vasikana, kana kuti chirimwa chinobereka manhanga
3. Dzimba: Rinonziwo zvakare tsimba. Rinoreva panenge patsikwa netsoka yemhuka. Dzimba izwi rinorevawo zvakare imba dzakawanda.
4. Mbira: Rinoreva chiridzwa chine tumapadza tudiki, kana kamhuka kanogara mumakomo nemupako
5. Guta: Zvinoreva kuguta kana uchinge wadya. Guta rinorevawo dhorobha, asi dhorobha riri izwi rakabva muchiAfrikaans.
6. Guru: Iri rinoreva zvinhu zvizhinji. Kune guru rekutaura kuti chinhu chakakura sekuti bhora guru. Kune guru rebarika. Kune guru rinoreva mwena unowanikwa pachuru. Kwozoitawo guru renyama iye inenge tauro rekugezesa.
Iwe nyorawo mazwi ako mashanu muchiShona anogona kupereterwa zvakafanana, asi achitaurwa, pamwe chete nekureva zvinhu zvakasiyana.
* * *

Share This:

Sponsored Links