CHISHONA CHAKANAKA

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

MHINDURO DZEMIBVUNZO YESVONDO RAPERA:
Zadzisa kuti vanhu vazhinji vanenge vachifamba vari pamwe chete vanonzi chii?
1. gurusvusvu
2. gurumwandira
3. gurundundu
4. makukuku
* * *
Pane vana vakapindura mibvunzo yemasvondo maviri adarika. Ndinoti rambai muchidaro uye vamwe itaiwo zvimwe chete kupindura mibvunzo yatinokupai kana kutibvunza zvamungada kuziva. Hevanoi vamwe vacho:
* * *
Rutendo Maradzike ari muGrade 1 paHarava Primary, Jerera kuZaka anoti:
Ndibatsireiwo nemazwi anotanga na”dzv” neanotanga na”nzv”. Ndatenda uye ndichafara kana ndawana mhinduro nekuti chiShona chinondinetsa. Mhinduro: “dzv” (dzvanya, dzvinyu, dzvova, dzvura, dzvokora, dzvuta, dzvatsvatsva); “nzv” (nzvimbo, nzvenga, nzvera, nzvanzvana, nzvarakamwe, nzvenzvera)
* * *
Elvis Mwanza wemuGrade 6 paMurombedzi Primary School anoti:
Mazita maviri anoreva vanhu vakamira kana vakagara ndimhomho nechaunga.
* * *
Theresina Mhlanga ari muGrade 4C paChitsere Primary School, kuMbare, muHarare anotiwo:
Mazita maviri anoreva vanhu vakamira kana vakagara ndimhomho nechakata.
* * *
Ison Kanyoka wepaManyenyedzi Primary School, kwaChundu kuKaroi ndokuti: Vanhu vakaungana pamwe chete vakagara kana kuti vakamira vanonzi mhomho kana kuti chaunga.
* * *
MIBVUNZO YESVONDO RINO:
1. Huni dzakawanda dzakasungwa pamwechete dzinonzi chii?
2. Miti yakawanda iri munzvimbo imwechete inonzi chii?
* * *
Mhinduro dzemibvunzo yesvondo rino muKwayedza resvondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links